vakapenga vageza mvura ine ‘juju’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
vakapenga vageza  mvura ine ‘juju’

Kwayedza

. . .varoora 2 ndokufamba vari musvo
Pamela Shumba —

VAROORA vaviri — avo vakawanikwa pamhuri imwe chete — vakazosungwa nemapurisa svondo rapera ndokupedza husiku hwose vari pakamba yeZRP Hillside Police Station, kuBulawayo, zvichitevera kufamba kwavakaita vari musvo mushure mekunge vageza mvura yavainge vaisa mushonga kana kuti muteuro uyo wavakapihwa nen’anga kana kuti muporofita wavakatsvaga kuti avabatsire sezvo vachipomera tezvara vavo kuti vanoshinha navo vasingazive vachivashandisira muti wemubobobo.

Vagari venzvimbo yeWaterford vakazodaidza mapurisa mushure mekunge vatadza kudzikamisa vakadzi vaviri ava apo vaiita zvisinganzwisisike pamwe chete nevana vavo avo vakange vari musvowo.

Vakadzi vaviri ava, avo vasina kuzivikanwa nemazita avo kusvika pakubuda kwenyaya ino, vakasungwa nemusi weMuvhuro uye hazvisati zvazivikanwa kuti vava kunzwa sei.

Vanonzi vakatsvaga rubatsiro kun’anga kana kumuporofita mushure mekufungira kuti tezvara vavo vari kuvashandisira mushonga vachishinha navo.

Mubobobo mushonga wekuti munhurume anokwanisa kupinda pabonde nemunhukadzi ari kure naye uye asingade pamwe nekusazviziva.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kuBulawayo — Inspector Precious Simango — vanotsinhira chiitiko ichi vachiti madzimai maviri aya akazoregedzwa nemapurisa ndokuenda kudzimba dzavo.

“Takagashira mashoko ekuti kune madzimai maviri akasungwa mushure mekunge vafamba vari musvo. Vakapedza husiku hwose vari mutirongo yemapurisa ndokuzoregedzwa mangwana acho,” vanodaro.

Vane ruzivo pamusoro penyaya iyi vanoti vakadzi ava — avo vakaroorwa nemukoma nemunin’ina mushure mekunge vabengenuka pane zvaiitika kwavari, vakaudza mapurisa kuti vakatsvaga mushonga kun’anga wekuti tezvara vavo vasavashandisire mushonga.

INSPECTOR-PRECIOUS-SIMANGO

“Madzimai aya akaroorwa uye varume vavo vari kunze kwenyika.

‘‘Vanoti vakaenda kun’anga mushure mekunge vafungira kuti tezvara vavo vari kushereketa navo vachishandisa mushonga.

“Ndinofunga kuti pane zvakanganisika pamushonga wavakapihwa nen’anga. Vakatanga kuita zvisinganzwisisike ndokutanga kufamba vari musvo pamwe chete nevana vavo,” anodaro mumwe murume akaona chiitiko ichi asi ndokusada kuti zita rake ribude munhau.

Anoti vavakidzani vemadzimai aya vakatadza kuvadzikamisa zvikaita kuti nyaya iyi izomhan’arwa kukamba yeHillside Police Station.

Pane vhidhiyo riri kutenderera pama”social media” akaita seWhatsApp, iro rinoratidza mapurisa achiedza kusunga madzimai maviri aya apo vari musvo uye vachiramba kusungwa.

Vana vana vemadzimai aya, avo vanenge vari musvowo, vanochema nekutya apo panenge pachisungwa vanaamai vavo.

Kune vanhu vane chitsama vakatora nguva yavo vachitora mifananidzo nemavhidhiyo ezvaiitika apo vamwe vaitarisa vachikahadzika nazvo. — Chronicle

Share This:

Sponsored Links