Vakapisa kuChi-Town

21 Jul, 2022 - 13:07 0 Views
Vakapisa kuChi-Town Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MUNHOROONDO yenhabvu yemuZimbabwe, kune mapurovhinzi, maguta nemadhorobha anozivikanwa achibura vatambi vemhando yepamusoro-soro.

Kubva kare, Harare neBulawayo zvagara zviri pamberi pakubika vatambi vane mukurumbira wenhabvu.

Asi, dzimwe nzvimbo dzakaita seKadoma neMasvingo dzinozivikanwawo dzichibura shasha dzinotambira muPremier Soccer League (PSL) pamwe nechikwata chenyika chemaWarriors.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo ichibatsirwa neshasha yekutsigira nhabvu ine mukurumbira – Chris ‘Romario’ Musekiwa – anove mugari wekuChitungwiza mukubuda nevatambi 11 vepamusoro vanobva kuguta iri vakaita mukurumbira.

Chi-Town, sezita remadunhurirwa reChitungwiza, yabura vatambi vanove shasha vachitambira zvikwata zvikuru zvePSL nemaWarriors avo vakaita saLloyd Chitembwe (CAPS United), Norman Mapeza (Darryn T), Elliot Matsika (Darryn T, Buymore, Dynamos), Steve Chikodzi, Silent Katumba (CAPS United), Frank Nyamukuta, Simon Dambaza, Guthrie Zhokinyu, Jose Chimombe, Muzondiwa Gonese, Shingi Kaondera naGift Muzadzi.

Vatambi vakawanda vakaita mukurumbira vakadai saMapeza, Muzadzi, Kaondera, Katumba naForber Ndaba vakadzidza pachikoro cheSeke 2 High School kuChitungwiza kwakare.

Pari zvino kubva muChitungwiza, kune vatambi vari muPSL vanosanganisira Carlos Mavhurume ari kuNgezi Platinum Stars naMoses Demera anombotambira Black Rhinos.

Hevanoi vatambi 11 vanonzi ndivo vakatamba nhabvu yepamusoro-soro vanobva muChitungwiza vakadomwa naRomario:

Mubati wepagedhi: Gift ‘Umbro’ Muzadzi.

Gift ‘Umbro’ Muzadzi

Munhoroondo yevatambi vepagedhi kubva muZimbabwe, Umbro anoiswa muboka revatambi vashanu vakaita mukurumbira.

Shasha iyi yakatanga kutamba nhabvu kuDarryn T, akazoenda kuPoland ndokudzoka achitambira Dynamos mugore ra1998 apo yakanetsa ikasvika kufainari yeChampions League.

Umbro akatambira zvekare chikwata chemaWarriors chakaenda kuAfrica Cup of Nations muna2006.

Vatambi vekumashure: Edelbert Dinha, Alex Munawa, Lloyd Mutasa naCosta Nhamoinesu.

Edelbert Dinha: Dinha mumwe wevaitamba pazvinzvimbo zvakawanda izvo zvakamubatsira kuti atambire zvikwata zvemuno, Europe neSouth Africa.

Akatanga kutamba nhabvu kuDarryn T uye sevatambi vazhinji vakabva muChitungwiza, akatambira zvimwe zvinosanganisira CAPS United apo akazonotambira kuPoland neSouth Africa.

Alex Munawa: Chola sezita rake remadunhurirwa, akaita mukurumbira achivhara nhabvu kuzvikwata zvakaita seBlackpool.

Lloyd Mutasa: Samaita iye zvino ave kuzivikanwa achirairidza nhabvu pamwe nekubika vechidiki kuzvikwata zvakasiyana.

Samaita akatambira zvikwata zvinosanganisira Darryn T, Tanganda neDynamos FC iyo akazorairidza zvakare.

Lloyd Mutasa

Costa Nhamoinesu: Vatambi venhabvu vashoma vakaita rombo seremutambi uyu sezvo akakwanisa kutamba nhabvu kuEurope kwemakore anodarika 10.

Akatambira zvikwata zvakaita seZaglebie Lubin yekuPoland neSparta Prague yekuCzech Republic.

Kubva zvaasendeka shangu dzake, Nhamoinesu ave kushanda kuSparta Prague achiita basa rekuongorora vatambi.

Nhamoinesu mumwe wevatambi vashoma vakakwanisa kuhwina mubairo mikuru kuEurope izvo zvakamuona achihwina ligi neSparta Prague pamwe nemimwe mikombe yakasiyana.

Costa Nhamoinesu

Vatambi vepakati: Norman Mapeza, Lloyd Chitembwe naElliot Matsika.

Pavatambi vatatu ava, vaviri vacho – Mapeza naChitembwe – vave varairidzi vane mukurumbira uye vose vakwanisa kuhwina mubairo weCastle Premiership vachirairidza zvikwata zvavo.

Mapeza: Muchina wemajuzi, uyo akatanga kutambira kuDarryn T, mumwe wevatambi vane mukurumbira kubva muZimbabwe uye akakwanisa kutambira chikwata chikuru cheGalatasaray chekuTurkey.

Akazotambira zvikwata zvakasiyana zvekuTurkey asati adzoka muno kuzotambira CAPS United.

Shasha iyi yakakwanisa zvakare kutambira maWarriors kanosvika ka92.

Norman Mapeza

Chitembwe: Chitembwe akahwina mukombe wePSL ari kuGreen Machine katatu uye ndokuzotora wePSL achirairidza chikwata ichi zvekare mugore ra2016.

Lloyd Chitembwe

Matsika: Matsika mumwe wevatambi vakadzidza pachikoro chine mukurumbira cheSeke 2 apo akatorwa neDarryn T ndokuzotambira zvimwe zvinosanganisira Buymore neDynamos FC.

Vatambi vekumberi: Alois Bunjira, Stewart Murisa naShingi Kaondera.

Bunjira: Gazza akatanga kuzivikanwa achitambira Darryn T uko kwakabikwa vatambi vakawanda vaibva muChitungwiza.

Akazobva achienda kuCAPS United akaita mukurumbira apo akahwina mubairo weGolden Boot mugore ra1996.

Akazobva kuGreen Machine ndokuenda kunotambira zvikwata zvakawanda zvekuSouth Africa zvinosanganisira Bidvest Wits, Mamelodi Sundowns neJomo Cosmos.

Alois Bunjira

Murisa: Shutto, sevamwe vatambi, akabva nekuDarryn T ndokuzoenda kuCAPS United mugore ra1996 uko akasvika achihwina mubairo weSoccer Star of the Year.

Mwaka uyu wakaona Kepe-kepe ichikumba mibairo yakawanda inosanganisira BP Cup neIndependence Cup.

Shutto akazobva kuKepe-kepe achienda kuSouth Africa akanotambira zvikwata zvinoti Amazulu neAjax Cape Town.

Akazodzoka muno ndokutambira Dynamos zvekare neHighlanders.

Stewart ‘Shutto’ Murisa

Kaondera: Kaondera akatangira kuDarryn T mugore ra1997 akazobva ndokuenda kuEurope akanotambira zvikwata zvakawanda.

Akatambirawo zvakare maWarriors apo akanomirira nyika kuAFCON ya2006.

Shingi Kaondera

Ndevapi vamwe vatambi vamunofunga kuti vakabva kuChitungwiza vakaita mukurumbira?

Share This:

Sponsored Links