Vakarambaniswa netsono

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vakarambaniswa netsono Moreblessings Chonge aina Julius Masunungure

Kwayedza

Gibson Mhaka
MUDZIMAI anogara kuBulawayo anoti wanano nemurume wake yakaparara mushure mekunge murume uyu adhumhana netsono yaiva pamusiwo wemba izvo zvakaita kuti afunge kuti mukadzi wake ari kumushandisira mushonga kana kuti juju.

Moreblessings Chonge wekuOld Magwegwe anoti Julius Masunungure akamuramba mushure mekunge aona tsono yaive pamusuwo wekupinda mumba iyo yaakati mushonga waaida kumushandisira. Chonge anoti Masunungure akatanga kupopota achimupomera huroyi mushure mekunge aona tsono iyi kumba kwake kuMakokoba.

Akataura mashoko aya mudare reBulawayo Civil Court pamberi pemutongi Adelaide Mbeure mushure mekunge amhan’arirwa naMasunungure achikumbira gwaro redziviriro.

“Ndiri kutsvaga gwaro redziviriro kubva kunaMoreblessing Chonge uyo aimbove musikana wangu. Anongoda kuita zvechisimba, anondituka nemashoko asingataurike pamberi pevavakidzani. Ari kuuya kumba kwangu asina mvumo achiti anoda mari,” anodaro Masunungure.

Chonge anoti Masunungure murume wake uye ari kutsika-tsika achimurambidza kuuya kuzomuona sezvo asisade kumuroora izvo zvaakambenge amuvimbisa.

“Murume wangu uyu. Takatanga kugara tose munaGunyana 2018 kusvika Zvita 2018. Kunyangwe hake asina kundibvisira roora, tichitarisa nguva yatakagara tose, zvinotoreva kuti ndiri mudzimai wake. Izvi ndinodaro sezvo akandivimbisa kuti achandiroora tisati tatanga kugara tose. Paakandidzinga pamba, aiti mwanakomana wake ndiye aisada kuti ndigarepo. Handina kumbobvira ndamutuka sekutaura kwaari kuita,” anodaro Chonge.

Anoenderera mberi: “Matambudziko edu akatanga paakaona tsono pamusuwo akafunga kuti mushonga wandinoda kumushandisira. Asi zvinoshamisa nekuti musi wa31 Zvita akandishevedza kumba kwake ndikarara ikoko, mangwana acho akandipa R50 yekuti ndinotenga chikafu.”

Chonge anoti musi uyu zvakare, paakasvika kumba uku, Masunungure akamupinza negonhi rekuseri kwemba kuitira kuti mwana wake asamuone.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey