Vakaremara vakabatsirwa

24 Jun, 2020 - 19:06 0 Views
Vakaremara vakabatsirwa Vana vakaremara mitezo vekuHatcliffe mushure mekupihwa chikafu chakatengwa nerutsigiro rwesangano reMisereor nguva pfupi yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vakaremara mitezo vemuguta reHarare, Chitungwiza neEpworth, avo vane vabereki vanorarama nekupemha pamwe chete nekuita mabasa emawoko – vakapihwa zvekudya nesangano rakazvimirira reMisereor panguva iyo vabereki vavo vasiri kukwanisa kuvariritira nekuda kweCovid-19.

Vakawana rubatsiro rwehupfu, mafuta ekubikisa, shuga, sesipo yekuwachisa nezvimwe kuburikidza nesangano rinomiririra kodzero dzevabereki vane vana vakaremara reZimbabwe Parents of Handicapped Children (ZAPHCA).

Theresa Makwara – uyo anova murongi kuZAPHCA – anotenda rubatsiro urwu.

“Kubva nemusi wa30 Kurume gore rino apo pakatanga chirongwa che’lockdown’, mabhizimusi ose ekutengesa kumisika akabva akanganisika kunova kwaisiponera vabereki vane vana vakaremara. Vabereki ava vanotichaira nhare vachiti hachisina mari nechekudya mudzimba.

“Tinotenda sangano reMisereor nekutitsigira nekuti takwanisa kutengera vana ava chikafu chishoma chekuti vabatsirikane mwedzi uno. Asi chishoma kwazvo nekuti dambudziko reCovid-19 richakakura munyika muno zvekuti kunyangwe vabereki vari kushanda zvinhu hazvina kuvanakirawo,” anodaro.

Vana vakabatsirikana vanosanganisira vanogara kuChitungwiza, Epworth, Hatfield, Hatcliffe nekuMbare uye Makwara anoti vari kutarisira kuti vatutsire rubatsiro urwu kana vachinge vawana vamwe vatsigiri.

“Kutaura chokwadi zvinhu izvi zvishoma nekuti vana ava vanoda kudya kune utano. Vamwe vavo havasati vave nemawiricheya uye vanoda kurapwa. Vazhinji vari kukundikana kuenda kunoitiswa mitambo inosimbisa muviri (physiotherapy) nekuda kwekushaya chekufambisa.

“Mwana ane wiricheya anobhadhariswa mari yakawanda nekuti inodya nzvimbo mumotokari uye haafambi ari oga asi anotoperekedzwa,” anodaro Makwara.

Anoti nhengo dzavo zhinji dziri kunetseka kuwana mishonga nekuda kwekushaya chekufambisa kana nekudhura kwayo.

“Dzimwe nhengo dzedu dzava kusangana nemhirizhonga yemudzimba apo vari kutsvaga chikafu, mvura kana huni dzekubikisa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links