‘Vakaremara vane kodzero yedzidzo’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Vakaremara vane kodzero yedzidzo’ Abraham Mateta

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhu vane dambudziko rekusanzwa, reDeaf Zimbabwe Trust, riri kuchema kuHurumende kuti itarise nhunha dzevakaremara nenzira dzakasiyana kuti vawane dzidzo yepamusoro uye yakaenzana neavo vane mitezo yakakwana, zvikuru pasi pegwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare svondo rino, Mai Barbra Nyangairi vekuDeaf Zimbabwe Trust vanoti kunofanira kuva nemutemo unoona kuti vana vakaremara vawaniswa dzidzo yakaenzana pasina rusarura.

“Kushaikwa kwemutemo unoona nezvedzidzo yevakaremara ndiko kuri kuita kuti vakaremara vashaye dzidzo yemhando yepamusoro nepamusaka pekuti vanenge vasina rutsigiro munyaya dzakaita sezvekushandisa mudzidzo, varairidzi vakafundira kudzidzisa vakaremara sevasingaoni, vasingataure kana vaye vanofunda zvishoma nezvishoma (slow learners).

“Bazi rezvedzidzo richine basa guru rekufundisa vadzidzisi vakawanda vanogona kudzidzisa vana vakaremara nekuti pari zvino vachiri vashoma. Nokudaro vana ava havakwanisi kuenderera mberi nedzidzo nekuti vanoramba vachidzokororeswa,” vanodaro.

VaAbraham Mateta, avo vanova gweta uye nyanzvi inorwira kodzero dzevakaremara zvekare vari mumwe wevakaremara, vanoti hakuna zvikoro zveHurumende zviri kupa mikana kuvana vakaremara.

“Hakuna zvikoro zveHurumende zvinotsigira vana vakaremara, zvizhinji zvacho ndezviya zvakazvimiririra izvo zvinodhura. Tinodawo zvikoro zvakawanda zveHurumende zvinofundisa vana vakaremara uye zviine zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

VaMateta vanoti ivo vakaberekerwa kuKaroi asi vakaita dambudziko rekuwana chikoro chinoenderana nehurema hwavo kuKadoma zvikaita kuti vabereki vavo vadhurirwe nemari dzekufambisa.

“Ndakaona moto nekuti vabereki vangu vaitobudiritsa mari yebhazi yevanhu vaviri, yangu neyemunhu aindiperekedza kuchikoro zvisinei nekuti muKaroi maive nezvikoro zvakawanda zveHurumende,” vanodaro.

Mai Sihle Nyashanu vesangano reSafe Haven Zimbabwe vanoti vane vana vaviri vanonoka kubata zvinhu zvavanenge vachifundiswa (autisim).

“Vana vangu ndakasvika pakuvaendesa kuzvikoro zviri kuSouth Africa uko ndakanogara mwedzi 16 vachifundiswa kutaura. Saka ndinongochema kuti kudai munyika muno mawaniswa nyanzvi dzinokwanisa kudzidzisa vana vakadai uye kuti muve nezvekushandisa zvemhando yepamusoro. Havasi vose vabereki vanokwanisa kuendesa vana vavo kunze kwenyika kuti vanobatsirwa,” vanodaro.

Gwen Marange wekusangano reAlive Albinism Initiative, uyo anorarama nehusope, anotiwo vana vane husope vanofanira kuwaniswa varairidzi vanonzwisisa nhuna dzavo.

“Kana murairidzi asinganzwisise vanhu vane husope, anokwanisa kugarisa mudzidzi kumashure mukirasi kureva kuti hapana chaanodzidza nekuti anenge asingaone zvinonyorwa pachidziro. Vadzidzi vane husope vanoda kuwaniswa zvinyorwa zvakakura uye mabhuku ekuverenga akakwana,” anodaro.

Mai Elissa Ravengai vanova murongi mukuru kusangano reFederation of Organisation of Disabled People in Zimbabwe (FODPZ), uye ivo vasingaone, vanoti vanhu vakaremera vanofanira kuwaniswa dzidzo inenge ichitsigirwa nehomwe yeHurumende sezvo vazhinji vavo vachibva kumhuri dzinotambura.

Kuchiti VaMaxwell Rafomoyo vekuEducation Coalition of Zimbabwe vanoti zvakakosha kuti kuve nemutemo unoona kuti dzidzo yawaniswa kumunhu wese pasina rusarura rwemasikirwo ake kuti nyika ibudirire.

Share This:

Sponsored Links