‘Vakaremara vanodawo dzidzo’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Vakaremara vanodawo dzidzo’ Senator Rejoice Timire

Kwayedza

Nyaya naMuchaneta Chimuka

ZVAKAKOSHA kuti vana vakaremara mitezo vawaniswe mukana wekudzidza wakaenzana neavo vane mitezo yakakwana.

Kurudziro iyi yakaitwa naSenator Rejoice Timire, avo vanomirira vakaremera mitezo mudare reSenate, pamusangano wakaitwa nesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPHCA) nemusi weChipiri svondo rapera muHarare.

“Tinoda kuti muzvirongwa zvose zvine chekuita nebudiriro — kunyanya munyaya dzedzidzo — vakaremara vawanikwe vachitungamirira.

Vakaremara vanofanira kuwaniswa mikana yedzidzo yakangoenzana nevasina.

“Asi, dambudziko guru nderekuti zvikoro zvevakaremara hazvisi kuwanikwa kumaruwa, kana mumadhorobha macho zvishoma uye zvinenge zviri kure navo zvichikwanisa kupindwa nevane mari bedzi.

Izvi zvinoita kuti vana vazhinji vakaremara vagumire chikoro padanho repuraimari bedzi nekutotadza kuenda kuchikoro kana vabereki vasiri kushanda,” vanodaro.

Vanotenda Hurumende nechirongwa chekuwanisa dzidzo kumunhu wose apo vana vakaremara vanokurudzirwa kuti vadzidze pamwe chete nevasina senzira yekuderedza nyaya dzerusarura.

“Dambudziko riripo bedzi nderekuti pasi pechirongwa cheIncusive Education, tiri kushaya varairidzi vakafundira basa rekudzidzisa vana vakaremara sevasinganzwe, vasingatauri nevamwe.

Chatori chitsvambe kuHurumende kuti ive nevarairidzi vakawanda vanogona mitauro yemasaini kana kushanda nevakaremara.”

Sen Timire vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vabereki vanotozogumisira vava kuona kuti zviri nani vachengete vana ivavo mudzimba pane kuti vabhadhare mari dzechikoro kana pasina anovabatsira.”

Vanotizve kana vana vakaremara vakawaniswa dzidzo, nyika inorerutsirwa — zvikuru panyaya dzevapemhi avo vari kuwanda mumigwagwa.

“Tine zvipo zvakawanda zviri muvanhu vakaremara, asi nekuda kwekushaya dzidzo, vanotorwa sevanhu vasina maturo vachishandiswa mabasa ekupemha.

Vakaremara vakashaiswa dzidzo zvinorevawo kuti kunyangwe nemhuri dzavanozobereka dzinoshaya dzidzo nekuti vabereki vanenge vasinawo mari yekuvaendesa kuchikoro,” vanodaro Sen Timire.

Vanotizve zvimwe zvivakwa nemidziyo yemuzvikoro zvakagadzirirwa vanhu vane mitezo yakakwana izvo zviri kuita kuti vakaremara vakundikane kuzvishandisa semacheya, matafura nezvimbuzi, pakati pezvimwe.

Mai Theresa Makwara, avo vanova murongi kusangano reZPHCA, vanoti kana vana vakaremara vakawaniswa rutsigiro rwedzidzo, vanova neremangwana rakajeka.

“Tine vana vakaremara vakawaniswa dzidzo zvekuti vamwe vatova machiremba, varapi, mapurisa nevachuchisi.

Kuremara handi kukundikana kuita mabasa asi kana munhu akafundiswa, zvinoita kuti raramo yake ireruke.

“Vamwe vari kutoturikira mitauro yemasaini mumatare edzimhosva uye mabasa evakaremara ariko kana bedzi vakawaniswa dzidzo,” vanodaro.

Mumwe mubereki ane mwana akaremara, Mai Elizabeth Chidi avo vanovazve sachigaro wesangano iri, vanoti, “Ini ndinaye mwana akaremara asi ndakatoona kuti kumuendesa kuchikoro sezvandinoita vamwe vana vasina kuremara kwakakosha nekuti anodzidzawo zvakawanda.”

Vamwe vana vakaremara vanotaurawo zvichemo neshuviro dzavo.

“Isu hatidi zvekungofungirwa kuti zvakati ndozvatinoda, tine kodzero yekusarudza zvatinoda dzingava mbatya kana zvikoro zvatinoda kudzidza, kwete kungonzi uyu akafitwa nekufunda pakati nekuti akaremara. Hatizvidi izvozvo,” anodaro Chipo Zhento (25) uyo akarasikirwa negumbo.

Gladys Chirige (31) anoti muzvikoro zvevana vakaremara munofanira kuwaniswa michina semakombiyuta nemabhuku eBraille senzira yekutsigira dzidzo yavo.

Kuchiti Shingirai Muchena (26) anoti sevana vakaremara, vane kodzero yekuwaniswa pekugara pakanaka.

Victor Munhlakurerwa anoti dzidzo ndiyo musimboti weupenyu nekuti munhu azive kodzero dzake.

Tinashe Mashumba anoti sevana vakaremara, havafanire kusiya vakiirwa mudzimba apo vabereki vanonyara kufamba navo nekuti ndiwo masikirwo avakaitwa.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kutsigirwa kwevakaremara munyaya dzehutungamiriri zvichifambirana nezvinangwa chemaSustainable Development Goals a2030”.

Share This:

Sponsored Links