Vakaremara voti vaomerwa

19 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vakaremara voti vaomerwa Lewis Garaba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chemutambo wecricket chevanhu vanorarama nehurema, cheZimbabwe Differently Disabled Cricket Team, chinoti chaomerwa neupenyu uye chasarira shure zvikuru muhurongwa hwacho nekuda kwematambudziko aunzwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mitambo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Sachigaro webhodhi resangano iri, Lewis Garaba, anoti nhengo dzechikwata chavo dzaomerwa neupenyu zvichitevera kumiswa kwakaita mitambo yavo yose.

“Isu vanotamba mutambo wecricket tiine hurema tichishandisa mawiricheya, zvinhu hazvina kutimirira zvakanaka. Nhamo yedu yakatanga nekuuya kwakaita Covid-19 nekuti raramo yedu inobva pakutamba mutambo uyu. Kuburikidza nekugara kudzimba, hatina zvimwe zvekuita zvekuti yangova nzara yoga mumhuri dzedu,” anodaro Garaba.

Anoenderera mberi achiti, “Taifanirwa kuenda kuWorld Cup gore rino, zvino zvose zvakaenda mudondo nekuda kweCovid-19. Hatisi kukwanisa kusangana tichiita mitambo sezvo kwava negadziriro dzekuti makwikwi epasi rose azoitwa gore rinouya ra2021.”

Anoti gadziriro dzegore rinouya kuti vazoenda kunokwikwidza dziri kukanganiswa zvakare nekuda kwekuti vanhu vagere kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Gore rinouya, kune makwikwi akarongwa kuitirwa kuDubai mumwedzi uchadomwa. Asi dambudziko nderekuti hatina mari sechikwata saka tiri kutopemha mari dzendege, yembatya dzinodiwa neyechikafu. Saka tiri kutsvaga rubatsiro kubva kumakambani nemasangano kana kuvamwewo vatsigiri,” anodaro Garaba.

Anoti vanoshuvira kuti matambudziko aunzwa neCovid-19 achidarika nekuti nhengo dzavo dzakawanda dziri kutambura nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyika.

“Kutaura chokwadi tafa nenzara kudzimba kwedu nemhuri nekuti hatina chimwe chinotiraramisa kunze kwekuwana mari kubva mukutamba cricket. Hatina homwe yatinogona kuwana mari sezvinoita vamwe kana zvinhu zvaoma sekudai.”

Garaba anotiwo rimwe dambudziko ravari kusangana naro sevanhu vakaremara mitezo nderezvekufambisa apo vanenge vachida kuenda kuchipatara kana kuzvitoro kunotenga.

“Mazuva ano motokari dziri kunetsa saka idambudziko guru kwatiri vanhu vakaremara kana tichida kuenda kunyangwe kuchipatara,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>