Uncategorized

Vakarwira chitunha che’Covid’ ‘. . . ndiwe wakauraya’

28 Jul, 2021 - 13:07 0 Views
Vakarwira chitunha che’Covid’   ‘. . . ndiwe wakauraya’ Vanhu panhamo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaiva parufu kumakuva ekwaZinyengere, kuEpworth nemusi weMuvhuro svondo rino vakaita rurasademo vachitiza mushure mekunge patanga kurwisana apo mumwe wehama dzemufi akabatwa nemweya wainzi ndewemunhu aivigwa achinongedzera kuti akanga auraiwa nemumwe murume wepedyo aivepo.

Kurwisana uku kwakaitika paivigwa Juliet Kamuchacha (21) aigara kuDomboramwari uyo ari kunzi akafa neCovid-19.
VaElijah Kamuchacha (47), baba vemufi uyu, vanoti mwana wavo akafira pamba nemusi weChina svondo rakapera, mutumbi wake ndokuzoendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko zvakanobuda kuti akanga ashaika nechirwere cheCovid-19.

 

Elijah Kamuchacha

“Machiremba akataura kuti mwana wangu ashaika nekuda kweCovid-19. Asi chinoshamisa kune vanhu vana kubva musi waakashaya uyu vehukama nevavakidzani vaihakira mweya wemufi vachitaura kuti aiva aita zvekuuraiwa nehama yepadyo.

“Nhasi tichimuviga, kune mumwe mwanasikana wedu azobatwa nemweya ndokunobata mukoma wangu achimuti ibva pano ndiwe wakandiuraya,” vanodaro VaKamuchacha.

Vanoti mweya uyu waiti vaida kuviga mushakabvu ari mupenyu.
“Kubva musi weChina pakashaika mwana wangu, kune vanhu vanokwana vana vakabatwa nemweya vachitaura kuti ‘ndauraiwa musandivige ndiri mupenyu’. Vanhu ava vanosanganisira madzimai matatu nemurume mumwe chete.

“Takambofunga kuti kudhakwa, asi chave kunetsa vamwe vacho havanwe doro.
“Hongu, machiremba vakati afa neCovid-19, zvino zvave kutinetsa kuti ari kunzi ndiye akakonzeresa rufu uyu anopinda papiko ipapa?” vanodaro VaKamuchacha.

Vanoti vachiviga mwana wavo, kune mudzimai akangobatwa nemweya ndokunanga paiva nemukoma wavo, VaAlec Chitsama (61), ndokutanga kuvasandudzira mweya uyu uchitaura kuti vabve panhamo iyi.

“Mukoma wangu Alec Chitsama anzarwo, vanhu vazotanga kumurova vakawanda vanogona kudarika vasere. Tazoita kuti mukoma vabve kuitira kuti mutumbi wemwana uvigwe zvakanaka,” vanodaro VaElijah Kamuchacha.

Mhuri iyi inobva kuKadohwata, kuMt Darwin, uye vanoti vaida kunoviga mwana wavo kumusha asi zvakatadziswa nekuda kwemitemo ine chekuita neCovid-19.

Vamwe vakatsinhira kurohwa kwemurume uyu vanosanganisira VaChatsama Kamuchacha (37), Rodrick Kamuchacha (35), George Kamuchacha (25) nemuzukuru wemhuri iyi Casper Munana (42).

Chatsama Kamuchacha

Vose vanoti zvakaitika panhamo yehama yavo zvakashata uye zvinonyadzisa.
Asi vanoti havana chokwadi kuti munhu ainongedzwa uyu ane chekuita nekufa kwemusikana uyu sezvo machiremba vakaita ongororo zvikabuda kuti iCovid-19 yakauraya munhu.

VaAlec Chitsama, vachitaurwa navo panhare, vanoti havazive kuti mweya yaibuda pavanhu ava ndeyechokwadi here kana kuti yekunyepera nekuti ivo havana chavanoziva nekufa kwemwana wemunin’ina wavo.

“Handizive kuti inyaya dzakanga dzakarongwa here nevanhu vaiti vaibatwa nemweya ava. Kunyepera uko, mwana akafa neCovid-19.
“Nyaya dzakadai dzinopesanisa mhuri nekuti vamwe vanhu havazoziva chokwadi,” vanodaro VaChitsama.

Kwayedza yakasvika kumarinda uku vanhu vakamirizika kunzvimbo dzakasiyana, vamwe vachipedzisa kufushira guva.
Bishop Cuthbert Nyaruvenda (51), avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti nyaya dzemweya dzinonetsa kunzwisisa sezvo pachigona kuva nechokwadi kana nhema.

Bishop Nyaruvenda

“Nyaya yekuroyiwa inonetsa, munhu anogona kunzi afa negwirikwiti ipo paine ruoko rwevaroyi, koitawo kuti vanhu vanozviti tasvikirwa nemweya ivo vari panyama vachizadzikisa zvavaronga. Saka inyaya inonetsa,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey