Vakavaka chikoro nemari yedoro

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vakavaka chikoro nemari yedoro Vana vechikoro

Kwayedza

Conrad Mupesa
CHIKORO chesekondari chakavakwa nemari yelevy yakabva pakutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko ekanzuru yeChinhoyi chakatanga kutora vadzidzi veFomu 1 neFomu 2 pakavhurwa temu ino.

Mamwe magwaro eFomu 3 neFomu 4 achatanga gore rinouya.
Mutauririri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vanoti chikoro cheKubatana Secondary School chakavakiswa nemari yelevy inobva mukutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko anoitwa nekanzuru iyi.

Chikoro ichi chakavhurwa pamwe chete nezvimwe zvikoro munyika chiine makirasi mana eFomu 1 nemamwe mana zvakare eFomu 2.

“Kubatana Secondary School, iyo yakavakiswa nemari yelevy inobva pakutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko anoitwa nekanzuru, ichabatsira mukuderedza huwandu hwevana vari kudzidza paNemakonde High avo vange vakawandisa kwemakore adarika,” vanodaro.

VaMlauzi vanoti Hurumende yakabatsira zvikuru mukuvakwa kwechikoro ichi icho chakavakwa nemari inokosha $1,6 miriyoni.

Kanzuru yeChinhoyi yakaunganidza mari inosvika $1.6 miriyoni apo Hurumende, kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, yakabatsira nemapombi anofambisa mvura, neanofambisa tsvina nezvimwe zvinodiwa zvinokosha $400 000.

Kubatana Secondary, vanodaro VaMlauzi, yakavakiswa zvichitevera chikumbiro chebazi redzidzo chekuti pave nechimwe chikoro chesekondari nedonzvo rekudzikisa huwandu hwevana vanodzidza paNemakonde High.

“Nemakonde High School chikoro cheHurumende, change chiine vana vakawandisa.
“Saka bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaisa chikumbiro kukanzuru yeChinhoyi, iyo inofanirwa kunge ichiona nezvekuvakwa kwezvikoro zvepuraimari, kuti ivakewo chikoro chesekondari.

“Takatambira nemaoko maviri chikumbiro chebazi iri sezvo tiine hukama hwakanaka nevemunharaunda uye chikoro ichi chave chechisere pane izvo zviri pasi pekanzuru.”

Kanzuru yeChinhoyi inoona nezvekufambiswa kwebasa pazvikoro zvitanhatu zvepuraimari nechimwe chesekondari chiri munzvimbo yaimboitwa zvezvicherwa yeAlaska.

Kubatana Secondary School chikoro chechipiri chesekondari chiri pasi pekanzuru iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey