‘Vakawanda vafa havana kubaiwa’

09 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
‘Vakawanda vafa  havana kubaiwa’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIKAMU chinosvika 90 percent chevarwere vari kufa neCovid-19 ndechevanhu vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, mudare reNational Assembly nemusi weChitatu apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weNorton – VaTemba Mliswa – avo vairatidza sevanoda kushora chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ichi.

Dr Mangwiro vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 zvichitevera kufa kuri kuita vanenge vabatwa nedenda iri uye vasina kubaiwa.

Vanoti pane ongororo yakaitwa kumitumbi yevanhu 207 yaive mumochari avo vakafa nechirwere ichi zvikaonekwa kuti vakawanda vavo vainge vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Pavanhu 207 vakafa uye mitumbi yavo ikaongororwa nemachiremba, chikamu che90 percent chavo vakange vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi. Saka tiri kuti tinofanirwa kubaiwa majekiseni aya kuitira kuti tisarasikirwe neupenyu,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti pari zvino hapana imwe nzira yakajeka yekudzivirira kupararira kwedenda iri kunze kwekubaiwa majekiseni.

Hurumende, vanodaro Dr Mangwiro, yakazvipira kushanda nesimba kuti nyika inge yakachengetedzeka kubva kuCovid-19.

Kuchengetedzeka kwenyika kubva kudenda iri kunoita kuti nyaya dzebudiriro yeupfumi dzifambire mberi pasina kukanganiswa nezvirongwa zvelockdown.

Hurumende ine chinangwa chekubaya majekiseni vanhu 10 miriyoni kana kuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 2 782 103 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 1 770 352 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Nerimwe divi, kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 125 931 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 117 822 vakatopona asi vamwe 4 517 vakafa.

Votaura nezvekupinzwa kwemabasa kwavanamukoti, Dr Mangwiro vanoti bazi ravo richaona kuti izvi zvaitika kumatunhu ose emunyika kuitira kuti vakakodzera vange vachiwana mabasa.

“Munguva inotevera tichaita kuti purovhinzi imwe neimwe ive nehuwandu hwakatarwa hwevanopinzwa mabasa,” vanodaro Dr Mangriwo.

Pari zvino chirongwa chekupinzwa mabasa kwavanamukoti chiri kuitwa kuburikidza nedandemutande izvo zviri kuona pachive nemukaha sezvo mamwe matunhu asina vanopinzwa mabasa aya.

Share This:

Sponsored Links