Vakawanda vobaiwa ‘booster’

03 Jan, 2022 - 18:01 0 Views
Vakawanda vobaiwa ‘booster’

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 5 900 kusvika pari zvino vabaiwa majekiseni echitatu (booster shots) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvichitevera kupihwa mvumo kwakaitwa nebazi reutano nekurerwa kwevana kuti achitanga kubaiwa nguva pfupi yadarika.

Magwaro anotumirwa pazuva nebazi reutano nekurerwa kwevana anotaridza kuti kusvika nemusi weSvondo, vanhu 5 952 vange vabaiwa majekiseni echitatu ekudzivirira denda iri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 132 864 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo vamwe 3 144 028 vange vabaiwa yekutanga neyechipiri (2nd dose).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu vanosvika 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere cheCovid-19.

Nyika ino yakasimbaradza chirongwa chekubaya vanhu nhomba nguva pfupi yadarika zvichitevera kunyuka hwehutachiona hutsva hweCovid-19 hwemhando yeOmicron variant, iyo inonzi inopararira nekukasika zvisinei nekuti haizi kukonzera ndufu zvakanyanya, uye yakatangira kunyika yeSouth Africa kupera kwaMbudzi gore radarika.

Kunyangwe zvazvo pari zvino vashandi vepamberi ndivo vari kubaiwa nhomba yechitatu – mutungamiriri wenyika President Mnangagwa – mumashoko avo ekutanga kwegore rino (New Year message) svondo rapera, vanoti chirongwa chekubaya majekiseni echitatu kuvanhu vose chave pedyo nekutanga.

Kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 munaKurume 2020, vanhu 214 878 vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhekwa.

Pavarwere ava, 183 261 vakatopona asi vamwe 5 032 vakafa.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti vanhu vanokwanisa kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti pakubaiwa nhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipiri.

“Hapazi kuzove nekusanganiswa kwemushonga wenhomba, panofanirwa kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitatu.

“Nhomba yechitatu iyi ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipiri,” vanodaro Dr Chimedza.

Share This:

Sponsored Links