Vakawanda vovhenekwa chegomarara

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vakawanda vovhenekwa chegomarara

Kwayedza

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vari kunovhenekwa gomarara hwawedzera kubva pa100 000 kuenda pa200 000 gore rino uye vanhu vanodarika 60 000 vakatovhenekwa chirwere ichi kubvira mumwedzi waNdira kusvika pari nhasi.

Izvi zvinotevera chenjedzo yezvechirwere ichi iyo iri kuitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vachibatsirana nemapoka akasiyana.

Budiriro iyi yakaziviswa svondo rapera pazuva iro First Lady Amai Mnangagwa vakashanyira chechi yeJohane Masowe eChishanu kuHighfield, muHarare, uko zviuru zvevanhu zvainge zvakaungana.

Chechi iyi inotungamiririrwa naMadzibaba Moses Gwasarira.

Amai Mnangagwa – kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation – vakawana mukana wekuti mamwe madzimai aive pamasowe apa vavhenekwe gomarara. Vachitaura pamusangano uyu, vanoti gomarara rakanganisa budiriro yenyika sezvo riri kunyanya kubata vanhu vachiri kuyaruka avo vanofanira kushandira nyika.

“Chirwere ichi hachina rusarura nekuti chinogona kubata munhu wose, angava varume, muvakadzi, vana kana vakwegura uye chinoderedza upfumi hwenyika nekuti chiri kunyanya kubata vechidiki, avo vachine simba rekushandira nyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zimbabwe iri kunyanya kushungurudzwa nezvirwere zvegomarara pakati pedzimwe nyika dziri muAfrica. Gomarara rinokanganisa raramo yevanhu kupinda utachiona hweHIV kana rurindi.

“Chinonyanya kundirwadza ndechekuti chirwere ichi chinobata kunyanya madzimai achiri kusununguka emazera ari pakati pemakore 35 ne49 ekuberekwa.”

First Lady Amai Mnangagwa vanokurudzira vanhu kuti vadye chikafu chine utano, zvikuru chechinyakare pamwe nekuita mitambo inosimbisa muviri kuitira kuti vasakurumidze kubatwa nezvirwere.

Vanokurudzirawo madzimai kuti vatore mukana wekuzarurwa zviri pamutemo uko kwakaitwa bhangi remadzimai mukuita mabhindauko anosimudzira raramo yavo.

“Semadzimai, munofanira kushandisa zvipo zvenyu zvamakapihwa naMwari. Mwari vanoda kuti vanhu vashande nesimba saka torai mukana webhangi remadzimai kuti mutore mari dzezvikwereti muchiita mabhindauko anokuraramisai nemhuri,” vanodaro.

Zvisinei, vanoshora nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki uye kusaendeswa kwavo kuchikoro.

Dr Bernard Madzima, avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti Hurumende inopembedza kuwanda kuri kuita vemachechi munyaya dzekuvhenekwa kwezvirwere zvegomarara zvichitevera chenjedzo iri kuitwa. “Huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa gomarara huri kuwanda zvichitevera zvirongwa zvechenjedzo zviri kuitwa munzvimbo dzakatsaukana. Kubvira mumwedzi waNdira gore rino kusvika nhasi, takwanisa kuvheneka madzimai 60 000 kubva pa15 000 vakavhenekwa munguva imwe cheteyo gore rapera. Chinangwa chedu ndechekuvheneka vanhu 200 000 gore rino,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>