Uncategorized

Vakazora chitunha ‘juju’

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Vakazora chitunha ‘juju’ Abigail Mahuni

Kwayedza

Kingstone Mapupu
YAKAVE batai-batai parufu rwemwana mucheche svondo rakapera paseri papurazi reBiri, kwaSabhuku Chimutashu kwaChivero, apo dzimwe hama dzinonzi dzakasvikobvuta chitunha, ndokuchizora mushonga pamwe chete nemazamu aamai vemushakabvu uyu uyewo ndokuzomwaya mumwe muti mudzimba.

Pamusoro pezvo, hama idzi dzinonzi dzakazotiza nechitunha ichi ndokuenda kunochiviga kumakuva ekuChegutu mushure mekunge vadzinga dzimwe hama – kusanganisira amai nababa vemwana uyu.

Mashura aya anonzi akaitika mumusha maMahuni apo pakange pafa kasvava kainzi Abigail Mahuni ako kaiva nemwedzi mitatu yekuberekwa.

Pamusha pakaitika izvi panonziwo pave kuitika mashiripiti akasiyana.

Abigail aive mwana waTatenda Tongoona Mahuni (24) naSakile Zvomuya (18) hama dzechikadzi dziri kunzi ndidzo dzakabvuta chitunha nekuchishereketera mazita adzo tinawo.

Zvisinei, hama idzi dzinobvuma padzinotaurwa nadzo neKwayedza panhare kuti dzakazora chitunha chekasvava aka mushonga pamwe chete nemazamu aamai vacho, asi ndokuti vakaita mhiko idzi mushure mekunge vawirirana semhuri.

VaAgreement Mahuni (57), avo vanova baba vaTatenda, vanoti muzukuru wavo haana kurwara asi kuti akangochema husiku apedza kuyamwa ndokufa achipupa furo rine ropa mumuromo nemumhuno.

“Mwana uyu akaswera zvakanaka ndokuzoonekwa kuma3 kunze kwave kuedza akaoma. Takazofamba tikanzi akarohwa nezvinhu, ndipo pandakanozivisa imwe hama yangu. Ndiye akazozivisa imwezve hama vachibva vatsvaga n’anga iyo yakavapa mishonga nekuvaraira dzimwe mhiko vakazouya kuno kurufu. Vakasvikomwaya mushonga nekuzora mushonga mutumbi wemwana,” vanodaro VaAgreement Mahuni.

“Hama idzi dzakauya kunhamo ndokusvikotanga nekumwaya mushonga nekupwititidza mimwe. Vakazopinda mumba ndokuzora chitunha chemwana mushonga apo vakazoenda kumuroora wangu vachibva vamuzorawo muti pamazamu.

“Takavabvunza kuti vaiitei, asi vaingoti vaigona kurova musha wose vachiti ndivo vakanga vave kutonga parufu urwu. Ipapo vakabva vati mwana aisafanirwa kuvigwa pano pamusha pedu, asi kumwe nekuti vanoti vakanga vanzi aizogona kutipfukira tose akatiuraya kana kudyiwa nevaroyi,” vanodaro.

Vanoti mimwe yemishonga yakamwaiwa mumusha uyu yaisanganiswa nemhiripiri izvo vasina kuziva kuti zvairevei. Parufu urwu panonzi paivawo nemafundisi maviri echechi inopindwa nemhuri iyi avo vakanga vabva kuHarare vanonziwo vakadzingwa nehama dzekuzora chitunha mushonga idzi.

“Vanhu ava vakazopinda mumba ndokuputira mutumbi wemwana vachibva vabuda nawo zvechisimba apo vakanopinda nawo mumota. Vamwe vanhu vose,kunze kwangu ini, vakarambidzwa kupinda mumota iyi,” vanodaro.

VaAgreement Mahuni vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vaisanganisira Tinaye Machingauta (42) vanova ambuya vemwana amai vababa, vakazoteverawo nedzimwe motokari tikanosvika kumba kweimwe yehama dzangu idzi uko mwana uyu akanorariswa mumba ndokuzovigwa mangwana acho. Isu vamwe tose takarambidzwa pakunoviga chitunha chemuzukuru wangu.”

Tatenda Mahuni nemudzimai wake vose vanoti vaida kuti mutumbi wemwana wavo uvigwe kumusha kwavo.

“Pandakazorwa mushonga pamazamu ndakatanga kutya zvekuti hapana chataigona kuramba. Pavakazora mutumbi wemwana mushonga waiva nemafuta nemashizha, vamwe vanhu tose vakadzingwa mumba,” anodaro Zvomuya.

Machingauta anotiwo chave kuvanetsa ndechekuti kubva pakaitika izvi, pamusha pavo hapachagarika nezvinhu zviri kuuyapo husiku.

Mashoko ake anotsinhirwa naTatenda Mahuni achiti iye ari kudzipwa husiku hwega-hwega nevanhu vaasingaone apo anotanga anzwa mwana wake mushakabvu achichema.

“Handisi kurara izvozvi nezvinhu zvandiri kuona. Ndinotanga kunzwa mwana wangu akafa achichema ndozodzipwa. Musi uno padzimba dzababa naamai pakarara pachitenderera sambani kana kuti hwiribidi, hatichaziva kuti zvakabva kunyaya iyi here. Mwana wangu ndiri kumuona achiuya kwandiri nekuona madzengerere ezvinhu zvakawanda ndakasvinura,” anodaro Tatenda Mahuni.

Zvichakadai, hama mbiri dziri kunzi dzakazora chitunha mishonga dziri kuramba nyaya yekuti vakabvuta mutumbi wacho.

“Ini ndakaridzirwa nhare nezvenhamo yemuzukuru waAgreement zvichinzi mwana afa zvisina tsarukano. Ndakataura naivo sekuru vacho vakanditi titsvage n’anga izvo takaita ndikapihwa mishonga ivo voga vachitaura nen’anga pafoni.

“Vakabhadhara n’anga iyi vakandipa mari yebhazi yekuenda kurufu ikoko tikanoita zvataiva taudzwa nen’anga kuti mwana aisafanirwa kuvigwa kumba kwavo. Takangoita saizvozvo tikanomuvigira kuChegutu. Zvino kuba chitunha ndekupi manje? Isu taitochema pamwe chete navo,” anodaro mumwe wehama dzinonzi dzakabvuta chitunha idzi.

Anoenderera mberi: “Mishonga ndakaisa sekutaurirwa kwatakaitwa nen’anga, tikazora mutumbi wemwana uyewo nemazamu aamai vacho. Zvose izvi taiita mukuwirirana apo amai vemwana uyu akati airota mwana achiyamwa, chitunha chakazotakurwa kubva mumba toenda nacho.”

Mumwe wake anoti mashoko ekuti vakabvuta chitunha manyepo.

“Akandifonera Agreement muzukuru wake afa asina kurwara achitsvaga kubatsirwa ndikazotaura nemumwe wangu uyo akazotsvaga n’anga kuti itibatsire. Ndiko akazopihwa mishonga nekutaurirwa zvekuita. Ndiwo mushonga waakasvikomwaya nekuzora chitunha, hatina kuvamanikidza.

“Zvekuzoviga chitunha kuChegutu aiva mawirirano edu sezvo tiri mhuri.

“Takaenda nevanhu vashoma kumakuva semavigirwo evana vadiki, vabereki vacho vasipo, kwete kuti takabvuta chitunha,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nen’anga inonzi yakapa vemhuri iyi mishonga.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Mbuya Alice Kwenda Masoko (61) vekuLochnvar, muHarare, vanoti mhuri iyi inofanirwa kufamba pamwe chete kuti vatsvage chaizvo zvakaitika.

“Hazvifanirwe kudaro, kuti pamusha pave kuitika masaramusi mwana achangofa uyewo kuti mutumbi wakazonovigirwa kusiri kumusha kwawo. Pane chiga chihombe chiripo, ngavafambe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links