Vakazvitakura 110 vakabatwa neCovid

30 Jul, 2021 - 16:07 0 Views
Vakazvitakura 110  vakabatwa neCovid Dr Padingani

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

MADZIMAI akazvitakura anodarika zana ekudunhu reMatabeleland North vakaendeswa kunogara kunzvimbo yavo voga mushure mekuvhenekwa vakaonekwa vaine chirwere cheCovid-19.

Dr Munekai Padingani vanova Provincial Medical Director (PMD) kudunhu iri vanotsinhira kuti madzimai 110 akazvitakura ari kumbogara pawo oga muzvipatara zvitatu zveko.

Pamadzimai aya, 70 vari pachipatara cheBinga District Hospital, 37 paTsholotsho District Hospital kuchizoti vatatu vari paLukosi Hospital iri kuHwange.

Dr Padingani vanoti vazhinji vemadzimai aya vari kunzwa zviri nani uye vana vavakatakura havasi panjodzi.

“Tine nyaya dzemadzimai akaonekwa aine hutachiona hweCovid-19 asi havasi kunyanya havo kurwara,” vanodaro Dr Padingani.

Vanoti mamwe emadzimai aya anofungirwa kuti anogona kunge akatapurirwa chirwere ichi panguva yavanombobuda muchipatara ichi vachinotenga chikafu kunze kana kuti vari muzvipatara sezvo vakange vambovhenekwa vakaonekwa vasina chirwere ichi.

Dr Padingani vanoti varapi vemuzvipatara izvi vava kuderedza huwandu hwevanhu vanopinda nekubuda senzira yekudzivirira kutapurirana Covid-19.

“Madzimai akazvitakura aya akavhenekwa panguva iyo vakanga vari kupinda munzvimbo dzekumirira kubara dziri pazvipatara izvi panova pavakaonekwa kuti vane Covid-19. Vanaamai ava vanobuda kunze vachinotenga chikafu zvinoita kuti vasangane nevanhu vakasiyana saka pari zvino hatichavabvumidza kufamba-famba.

“Kashoma hako kuti mwana abarwe aine hutachiona hweCovid-19 nokudaro ticharamba tichitora matanho ekuona kuti vana vakachengetedzeka panguva yekubarwa,” vanodaro Dr Padingani.

Vari muchikamu chinoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 pazvipatara izvi vari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji kuti vatsigire madzimai aya nechikafu nezvimwe zvekushandisa.

Dr Padingani vanoti mudunhu mavo hamusati mava nemudzimai akazvitakura akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 sezvo nyika ino isati yatambira kurudziro yesangano reWorld Health Organisation yekuti madzimai akazvitakura anokwanisawo kubaiwa majekiseni aya.

WHO nguva pfupi yadarika yakaburitsa magwaro anoratidza kuti zvakanaka chose kuti munhu wose ane makore 17 okuberekwa zvichikwira ange achibaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, kusanganisira madzimai akazvitakura nevanoyamwisa.

Madzimai akazvitakura nevanoyamwisa vanga vasati vava kupihwa mvumo yekubaiwa nhomba dzeCovid-19 zvichitevera kutyirwa kuti mishonga iyi ingakanganisa vana vari mudumbu kana vanoyamwa.

Share This:

Sponsored Links