Uncategorized

Vakwegura vanoda zvinodziya – HAZ

09 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Vakwegura vanoda  zvinodziya – HAZ

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vakwegura, reHelpAge Zimbabwe (HAZ), nerinoona nezvekodzera dzevakura reOlder Persons Board anokurudzira kuwaniswa kwembatya dzinodziya nekudya kwakakodzera kuvanhu ava munguva ino yechando zvichitevera kukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19.

Kurudziro iyi yakapihwa naMai Priscilla Gavi avo vanova mukuru weHAZ vari zvakare sachigaro weOlder Persons Board.

Vakataura mashoko aya vachiti vakwegura vari pamyatwa yekubatwa neCovid-19 nekuda kwezera ravo uyewo nemagariro avo mumisha.

“Nyanzvi dzezveutano dzinoti vakwegura vari panjodzi huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekuda kwenyama dzavo dzisisakwanise kurwisa zvirwere. Saka isu tinoti vanhu ava vanoda kuwaniswa zvose zvavanoda, zvikuru mbatya dzinodziva senguva ino yechando dzakaita semajazi, majuzi, shangu, masokisi, nguwani dzeshinda, magirovhosi, magumbeze nezvimwe kuti vagare vachidziirwa,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti nyanzvi dzinoti senguva ino yechando, Covid-19 inosimuka kudarika nguva yekupisa sezvinoonekwa nekuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi panguva ino apo vamwe vari kurasikirwa neupenyu.

“Kubva pakatanga chirwere ichi pasi rose nemuno kumavambo kwegore rapera, zvakava pachena kuti munguva ino yechando denda iri rinokwira kudarika munguva dzekudziya. Sezvo vakwegura vedu vari panjodzi yekubatwa neCovid-19 kudarika vamwe vanhu, ikurudziro yedu kuti tivawanise zvinodziya nguva dzose vachigarawo mudzimba dzakavharika dzinodziya.

“Kune vakwegura vatinoona vachigara pamhene nekushaya kuchengetwa zvakanaka nehama,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti munyika muno mune vakwegura vanodarika 760 000, chikamu chavo chinoita makumi masere kubva muzana vanova vanotambura zvikuru uye vakawanda vavo vachigara kumaruwa uko kwavasingawane zvinovakwanira.

“Vazhinji vavo vanogara kumaruwa uko vanenge vari voga nekuda kwekuti vanoramwiwa nevana kana nehama dzavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Saka ikurudziro yedu kuti tibatsire vakwegura ava nezvavanoda, zvikuru mbatya nekudya.

“Senguva ino yekutongora, pane kudya kunodiwawo kunodziisa miviri kwakaita sesvutugadzike ine masamba ekofi nekumwe kunokurudzirwa nemachiremba.”

Mai Gavi vanoti chikamu chiri pakati nepakati chevakwegura ava vaimboshanda asi zvino vava pamudyandigere apo pasina mari zhinji yavanowana.

“Hapana mari yavanowana zhinji kubva kuhomwe dzavakachengetera mari iyi, vamwe vavo vakatenga mombe nezvimwe zvipfuyo zvakazopera kufa nezvirwere saka havasisina chavainacho kuti vakwanise kuzvibatsira. Vanotoda ruyamuro kubva kuvana kana hama,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti vazhinji vevakwegura havasisina simba rekuzvishandira.

“Kubika chaiko vakawanda vevakwegura havagone, kana kuita mamwe mabasa sekucherera mvura zvinovaita kuti pamwe pacho vagare mutsvina nguva dzakawanda. Naizvozvo vane mikana mikuru yekubatwa nedenda reCovid-19. Kana kupfeka iwo mamasiki nekuzvishambidza havazvikwanise.”

Vanofananidza vanhu vakwegura nevana vadiki vachiti vanoda kubatsirwa nguva dzose.

“Ngatiitirei vakwegura vedu zvavanoda nekubatsirawo kutambanudza rudo rwedu nerubatsiro kunyange vasiri hama dzedu. Vanoda kubatsira vakwegura ngavatibate panhare dzinoti 0773 057 548,” vanodaro Mai Gavi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey