Vamwe 27 vafa neCovid zuva rimwe

24 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Vamwe 27 vafa neCovid zuva rimwe

Kwayedza

Munyori weKwayedza

NEZURO bedzi, Covid-19 yakauraya vanhu vakawandisa pazuva – 27 – kubvira pakatanga chirwere ichi munyika muno gore rapera.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti nezuro China bedzi, vanhu 27 vakashaya neCovid-19 uye vamwe 1 940 vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Kufa kwevanhu ava nezuro kwabva kwakwidza huwandu hwevashaya nechirwere ichi muZimbabwe kusvika pa4 855 kubvira pakanyuka denda iri muno mumwedzi waKurume 2020.

Vanhu vawanikwa vaine Covid-19 munyika muno mushure mekunge vavhenekwa vava 201 344 apo 151 309 vakatopona.

Nemusi weChitatu svondo rino muZimbabwe makafa vanhu 9 kuchiti varwere 14 vakashaya nemusi weChipiri.

Vamwe varwere 18 vakashaya neMuvhuro uye zvinoratidza kuti Covid-19 yava kuuraya varwere vakawanda kudarika zvange zvichimboitika mumwedzi mishoma yadarika.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 inodaidzwa kuti Omicron variant iyo inopararira nekutapuriranwa zviri nyore uye nekukasika.

Zviri kutyirwa kuti kana veruzhinji vakasatevedza matanho anokurudzirwa ekuzvidzivirira kuchirwere ichi apo veruzhinji vapinda muzororo reKirisimasi neGoredzva, huwandu hwevarwere nevari kufa hunokwanisa kuramba huchikwira zvinotyisa.

Share This:

Sponsored Links