‘Vamwe mose garai kumba’

22 Jul, 2020 - 08:07 0 Views
‘Vamwe mose  garai kumba’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti vanoita basa rakakosha bedzi ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa pari zvino uye Chinhoyi University of Technology (CUT) inofanirwa kumbovharwa mushure mekunge mumwe murairidzi wepo awanikwa aine Covid-19.

Matanho aya ari kutorwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere chanetsa pasi rose ichi.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 1 713 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, 26 vavo vakafa.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano weboka riri kuona nezvekurwiswa kweCovid-19 (National Covid-19 Taskforce), gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kutora matanho aya nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

“Vashandi veHurumende vanoita mabasa akakosha bedzi uye zvichipasiswa nePublic Service Commission ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa asi vamwe vose voregera. Taskforce yakaudzwa pamusoro penyaya yevanhu vane Covid-19 vari kunharaunda dzakasiyana munyika muno avo vasingakwanise kuzivikanwa kuti vakawanepi chirwere ichi.

“Kunyangwe zvazvo vane chirwere ichi vari kunzvimbo dzakasiyana dzenyika, vakawanda vacho vari muBulawayo neHarare,” vanodaro.

Kuvharwa kweChinhoyi University of Technology kuchaitwa kuchitevedzwa mitemo inoenderana nechiitiko chakadai.

“Zvichitevera nyaya yechirwere chakanyuka paChinhoyi University of Technology uye zvichienderana nezvinotarisirwa pakuvhurwa zvakare kwemayunivhesiti nemakoreji, paitwa chisungo chekuti yunivhesiti iyi itore matanho ose akakodzera yovhara,” vanodaro.

Mamwe makambani akazvimirira ayo ane vashandi vakawanikwa vaine Covid-19 akavhara zvimwe zvikamu zvawo.

Zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi, Hurumende haizi kuzonyevenyutsa matanho akananga kumisa kupararira kwedenda iri (lockdown).

“Nyika ichiri pa’lockdown’ nekudaro Hurumende icharamba ichipa zvekudya kune vanotambura munharaunda dzedu uyewo neavo vane raramo yakanganiswa nekuda kwe’lockdown’,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika pari zvino, vanhu 202 077 vabatsirwa pasi pechirongwa chekuyamura vanoita mabasa emaoko ayo akakanganiswa nekuda kweCovid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe iri kuwana rubatsiro kubva kuChina rwekucheresa zvibhorani kuMasvingo nekuManicaland, zvikuru muzvikoro.

Svondo rapera, Hurumende yakapfuudza kumberi kuvhurwa kwezvikoro izvo zvange zvakatarisirwa kuzarurwa musi wa28 Chikunguru senzira yekurwisa kupararira kweCovd-19.

Share This:

Sponsored Links