Uncategorized

Vamwe vave kuvarairwa

26 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Vamwe vave kuvarairwa VaAmos Riziye

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vanoita sevave kuenda vachiregedza kutevedzera zvimwe zvinokurudzirwa pakudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, sekupfeka mamasiki, kugeza maoko nesipo uye kusaungana.

Izvi zviri kuitika apo nyanzvi dzezveutano neHurumende vari kugara vachiyambira veruzhinji kuti chirwere cheCovid-19 chichiriko, naizvozvo zvakakosha kuti vanhu varambe vachitevedzera matanho anobatsira pakudzivirira Covid-19.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzinogara veruzhinji kuChitungwiza, muHarare, kuDomboshava nekuBindura inoratidza kuti vanhu vakawanda havasisina hanya nekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi sezvaiitika pachakatanga kuonekwa muno mumwedzi waKurume gore rino.

Kana izvi zvikaramba zvichiitika — veruzhinji vasingakoshese utano hwavo nehwevamwe — zvinotyirwa kuti Covid-19 ingangodzoka kechipiri uye ichiparadza upenyu hwevanhu zvakanyanya sezvava kuitika kudzimwe nyika dziri kuEurope.

Mai Grace Chidau vekuGlen View 8, muHarare, vanoti vanhu vakawanda munharaunda yavo havachina hanya nekupfeka mamasiki sezvo vava kungoonekwa vachiita mabasa kana kushanya vasina kuapfeka.

“Pano pachibhorani tanzwa nekudzora vanhu kudzimba vanenge vachiuya vasina kupfeka mamasiki. Ruzivo maringe nechirwere cheCovid-19 rwunotaurwa pano kasingaperi uye vanhu vava kuziva nezvacho. Asi kune vanongoshaya hanya sezvo vamwe vanhu vachitoda zvekufudzwa semombe kuti vatevedzere zvinodiwa,” vanodaro.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaAmos Riziye vanoti vamwe vari kuregedza kupfeka mamasiki vachiti kwava kupisa, nokudaro anovatadzisa kufema zvakanaka.

“Vamwe vanoti mamasiki anongoda bedzi munguva yechando zvisinei nekuti kunyika dzinopisa seBrazil kwafiwa zvakanyanya nekuda kwechirwere ichi. Hazvishamise kuona vanhu vari mumabhazi eruzhinji vasina kupfeka mamasiki asi ndidzo nzvimbo dzine njodzi yekutapurirwa chirwere cheCovid-19.

“Vamwe vanotoisa mamasiki muhomwe vozoapfeka kana vaona mapurisa nekutya kubhadhariswa faindi. Nyaya haisi yekutya kusungwa, asi yekutya kubatwa necoronavirus,” vanodaro.

Coronavirus hutachiona kunokonzera chirwere cheCovid-19.

VaEdward Mashiri vanoti vanhu ngavadzidze kuterera nekuti kupfekwa kwemamasiki inyaya yeupenyu nerufu.

“Ini ndinoona sekuti vanhu vagara kwenguva refu chirwere cheCovid-19 chiriko saka vave kuita sekuchidherera nekuti vamwe havasati vamboona munhu achifa nacho pamberi pavo izvo zvinoita kuti vafuratire mazano avanopihwa nenyanzvi dzezveutano,” vanodaro.

Hurumende pamwe chete nenyanzvi dzezveutano vari kuramba vachikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose ekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo chirwere ichi chichiriko.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga — avo vanovazve gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachipfeka mamasiki nemazvo uye vachitevedzera mamwe matanho ose ekurwisa Covid-19.

Vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevarimi kuMukwene nekuChibvuti Farm, kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East, svondo rapera apo pavaimema minda yevarimi vari muchirongwa chemadiridziro nechePfumvudza pamwe nekucherechedzwa kwezuva reWorld Food Day.

“Tiri kuona kuti kune vamwe vanhu vari kungosungirira mamasiki muhuro pachinzvimbo chekuti vazvivhare muromo nemhuno. Masiki haisi yekurembedza muhuro, basa rayo ndere kuchengetedza utano hwevanhu kubva kuchirwere chinouraya cheCovid-19. Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga zvisinei nekuti tine tarisiro yekuti unogona kuwanikwa munguva inotevera,” vanodaro.

Vice President Chiwenga vanoti kutevedza zvinodiwa neveutano uye sangano reWorld Health Organisation (WHO) mukurwisa Covid-19 sekugeza maoko nesipo kana nesanitiser, kupfeka mamasiki nekusaungana kwakabatsira mukuderedza kufa kwevanhu munyika muno kana zvichienzaniswa nekune dzimwe nyika.

Pasi pemutemo wakadzikwa munyika muno zvichitevera kunyuka kweCovid-19 mumwedzi waKurume gore rino, kusapfeka mamasiki imhosva inoita kuti munhu abhadhariswe faindi yeZWL$500 kana kugara mujeri kwegore rose.

 

Share This:

Sponsored Links