Vamwe vopotera kuchivanhu

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Vamwe vopotera kuchivanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUSHANDISWA kwemishonga yechivanhu munyika muno nepasi rose kunoratidza kuti kwakakwira munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Nyika dzakaita seMadagascar dziri kushandisa mishonga yechivanhu mukurwisa chirwere ichi.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino inoratidza kuti mimwe mishonga yechivanhu inosanganisira zumbani yave kutengeswa muzvitoro zviri muguta reHarare ichinzi inobatsira pakudzivirira Covid-19.

Zumbani riri kutengeswa ne$811,50 pa100g. Masangano anomirira varapi vechivanhu anoti reZimbabwe National Traditional Association (Zinatha) neZimbabwe Traditional Practitioners Association (ZINPA) anoti kubva mumwedzi waKurume gore rino, kushandiswa kwemishonga yechivanhu kwawanda.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru weZINPA, vanoti vamwe vanhu vaimboshora mishonga yechivanhu nekuda kwezvitendero zvavo asi zvasiyana nazvino.

“Kubva pasichigare, muAfrica nedzimwe nyika chikamu chevanhu vanokwana makumi masere kubva muzana (80%) vanorarama nemishonga yechivanhu pautano hwavo. Asi nekufamba kwenguva, izvi zvange zvoderera.

“Nekuda kweCovid-19, vanhu vakawanda vave kudya mishonga yechivanhu vachihwanda nezita rechirungu rekuti ma‘herbs’,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti sezvo kusati kwawanikwa mushonga chaiwo unorapa Covid-19, vamwe vanhu vari kushandisa mishonga yechivanhu nechinangwa chekuda kudzikamisa denda iri.

“Semuenzaniso, tine mishonga inosanganisira zumbani, mufandichimuka, musvisvinwa nemimwe inowanikwa muno muZimbabwe iyo iri kushandiswa nevanhu vachiedza kuzvidzivirira kudenda iri,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Veruzhinji vanofanirwa kuyeuka kuti pasi rose, Covid-19 haina mushonga unoirapa asi kuti vanhu vanongoshandisa zvinoita kuti marwadzo asanyanye.

Zumbani rave kushandiswa pakugadzira maguchu emishonga kusanganisira kuriita masamba esvutugadzike kana kuribika semuriwo, mashizha acho ari manyoro kana mufushwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey