Vana 2 vafa vadya mango

07 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Vana 2 vafa vadya mango Mango

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

VANA vaviri vekuNyanga vafa apo amai vavo nevanin’ina vavo vaviri vasara vachirwara zvakanyanya mushure mekudya mango dzemumuti uri pedyo nemusha wavo.

Vana vaviri ava vemumusha weAripao kwaSabhuku Katerere, kuNyanga vaive naamai vavo pavakadya mango idzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vana vaviri ava vanoti wemakore maviri newemakore mashanu okuberekwa vakaendeswa kuchipatara cheRegina Coeli Mission Hospital uko vakaonekwa kuti vakange vatofa vachangosvika mushure mekudya mango idzi neChipiri svondo radarika.

“Vana ava vaive naamai vavo, Mai Leanette Chipatarongo (28) nevanin’ina vavo vaviri, apo vakadya mango dzaive mumuti uri pedyo nemusha wavo. Vose vari vashanu vakarwara uye vaive nezviratidzo zvakafanana vachangopedza kudya mango idzi. Vakatanga kurutsa nekuita manyoka.

“Vakamhanyiswa kuchipatara cheRegina Coeli uko vakanzi vashaya pavakasvika. Mitumbi iyi yakaiswa kumochari yeRegina Coeli Mission Hospital kuti iongororwe nemachiremba,” vanodaro Insp Muzondo.

Mai Chipatarongo nevamwe vaviri vakarapwa pachipatara chimwe chete ichi, asi chikonzero chekufa kwevana vaviri ava hachisati chazivikanwa.

Share This:

Sponsored Links