Vana 2 vafa vanwa mapiritsi ezvipfukuto

23 Jun, 2022 - 08:06 0 Views
Vana 2 vafa vanwa mapiritsi ezvipfukuto Mapiritsi ekuuraya zvipfukuto muchibage

Kwayedza

Leonard Ncube

MURUME nemudzimai wake vekuLusulu, kuBinga vakagurwa kunorira apo vanasikana vavo vaviri vakafira munzira vachiendeswa kukiriniki mushure mekunwa mapiritsi emuchetura wekuchengetedza chibage kubva kuzvipfukuto ayo vapihwa nevabereki vavo vachifunga kuti mapiritsi ekupodza marwadzo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira nyaya yekufa kwaSibusisiwe Furunga (9) naYolanda Ncube (8) vekuNtivuli kuLusulu mushure memaawa mashoma vanwa mapiritsi aya husiku hwemusi weMuvhuro.

“Ndinotsinhira nyaya yevana vaviri avo vakafa nemuchetura mushure mekunwa mapiritsi echibage,” vanodaro Insp Banda.

Sibusisiwe naYolanda vanonzi vainge vasinganzwe zvakanaka sezvo vaive vakabatwa nechidzihwa.

Insp Banda vanoti nemusi weMuvhuro kuma4 masikati, Mai Faliwe Sibanda (49) vanova amai vaSibusisiwe natete kuna Yolanda, vakatumira Sibusisiwe nemuzukuru wake Siphiwe Ndimandi kunotenga mapiritsi ekunyaradza marwadzo emuviri kuzvitoro zviri pedyo.

Inspector Glory Banda

Mai Sibanda vakapa Sibusisiwe naSiphiwe garoni rechbage kuti vazonochinjanisa nemapiritsi anopomhodza marwadzo kana vasvika kuzvitoro.

Vana ava pavakasvika pazvitoro, vanonzi vakaenda kunaVaSimbarashe Dhema (47) ndokuvaudza kuti vaida mapiritsi echibage.

VaDhema vanonzi vakakumbira vana vaviri ava kuti vabude muchitoro ichi apo vaiputira mapiritsi aya mubepa iro ravakasunga.

Vanonzi vakatora chibage ndokuisa mapiritsi musaga raive risina chinhu ndokuraira vana ava kuti vasarivhure asi kuti vape amai vavo.

Vachisvika pamba, vakatambidza Mai Sibanda saga raive nemapiritsi aye ndokupwanya-pwanya vachibva vapa Sibusisiwe naYolanda kuti vanwe.

Pakati pehusiku, vana vaviri ava vakatanga kurutsa pamwe nekuita tsvina.

Mai Sibanda vakatora mapiritsi aive asara ndokumhanyira kunaMai Dhema kunobvunza vakaudzwa kuti vana vakange vati vari kuda mapiritsi ekuisa muchibage kuti chisapfukutwe.

Mai Sibanda nemurume wavo vakazobereka vana vaviri ava kumusana vachida kuenda navo kukiriniki yeChishizha iri pedyo uye mushure mekufamba chinhambwe chingangoita kiromita, vakafunga kutsvaga ngoro kubva kuvavakidzani vavo asi vana vakafa vasati vaiwana.

Vaviri ava vakatakura zvitunha zvevana vavo kudzokera kumba ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zuva raitevera. Mitumbi yakaendeswa kuchipatara kuBulawayo kunoongororwa.

Share This:

Sponsored Links