Vana 23 vafa negwirikwiti

17 May, 2022 - 12:05 0 Views
Vana 23 vafa negwirikwiti Mwana ane gwirikwiti

Kwayedza

Samuel Kadungure

DUNHU rekwaMutasa riri kuManicaland rinonzi rakatarisana nedambudziko guru rekunyuka kwechirwere chegwirikwiti zvichitevera kufa kwevana 23 nedenda iri mukati memavhiki maviri adarika.

Kusvika pari zvino, vana 132 vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa uye vezveutano vane hurongwa kwekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere ichi kuvana vanosvika 78 000 vemudunhu iri.

Chirongwa chekubaiwa kwevana nhomba ichi chinonzi chakadzoserwa kumashure zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Kunze kwaizvozvo, kune vamwe vanamati vechipositori zvakare vasingade kuti vana vavo vabaiwe nhomba idzi zvinoita kuti pave nedambudziko rekupedza denda iri.

Chikamu chemudunhu iri chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi cheCivil Protection Unit (CPU), pari zvino chiri munzvimbo dzakanyuka chirwere icho umo chiri kukurudzira kuti vana vabaiwe nhomba.

Dr Cephas Fonte vanova Mutasa District Medical Officer vanoti kubva nemusi wa23 Kubvumbi pakanyuka chirwere ichi, vana 61 000 vabaiwa nhomba, “Tine chinangwa chekubaya nhomba vana 78 000 uye kusvika pari zvino tabaya 61 802.

“Takawana nyaya 135 dzevakabatwa nechirwere ichi, apo vamwe vana 17 vakafa nekuda kwegwirikwiti. Nyaya dzakawanda ndedzevanopinda chechi yechipositori avo vasingatende mune zvenhomba,” vanodaro Dr Fonte.

Vanoti chikamu cheCPU nemamwe mapoka vari kupa chenjedzo kunharaunda pamusoro pekukosha kwekuti vana vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.

“Hurukuro idzi dzine zvibereko nekuti vakuru vemachechi aya vave kutendera vana vavo kuti vabaiwe. Vana ava zvakare vari kuwaniswa Vitamin A nechinangwa chekusimbaradza masoja avo emumuviri anorwisa zvirwere,” vanodaro Dr Fonte.

Kushaikwa kwechikafu chinovaka muviri, kunyanya chine Vitamin A, kunonzi ndiko kune njodzi huru yekukonzera rufu kubva kudenda iri.

Avo vanopona kubva kuchirwere ichi, vanogona kusangana nezvigozhero zvinosanganisira kuve nehupofu, kutadza kunzwa kana kuremara mimwe mitezo yemuviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>