Vana 3 vafa vachituhwina

11 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Vana 3 vafa vachituhwina Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA vatatu vekuSomabhula nemudzimai wekuSilobela, kudunhu reMidlands, vanonzi vakafa nekuny’ura mumvura.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vana vatatu vekuSomabhula vanosanganisira aive wemakore masere, gumi nemaviri negumi nematatu okuberekwa vaigara paPlot Number 40 kuFallow Field, kuSomabhula, vakany’ura apo vaituhwinha murwizi rwaMhlonga.

“Mbatya dzaiva dzakapfekwa nevana ava dzakazowanikwa kumahombekombe erwizi urwu asi mitumbi yavo haina kuwanikwa zuva rakare. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikazoita kuti mitumbi yevana ava iwanikwe yakayangarara pamusoro pemvura nemusi wa5 Kurume,” vanodaro Insp Mahoko.

Mitumbi iyi yakazonyururwa nevagari vemunzvimbo iyi ikaenda kunoradzikwa.

Vanoti njodzi yechipiri yemudzimai akany’ura yakaitika nemusi wa4 Kurume apo Mavis Ndlovu (23) wemubhuku raVala, kwaMambo Malisa, kuSilobela, akawira mutsime.

“Mudzimai uyu aiva murwere sezvo achinzi aibatwa nezvifa-zvifa. Akadonhera mutsime apo aiedza kuchera mvura achibva afiramo. Anonzi akazoonekwa nemumwewo munhu aidarika nepadyo netsime iri akaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, mutumbi uyu uchibva waburitswa mutsime,” vanodaro Insp Mahoko.

“Tinokurudzira vabereki kuti vataurire vana vavo kuti vasiyane nekutambira padyo nenzizi kana mumadhamu sezvo vanogona kuyeredzwa, kuny’ura uyewo nekurumwa nezvikara. Kune vane hama dzinorwara, tinovakurudzirawo kuti vasavarege vachienda voga padyo nemvura kuitira kudzivirira tsaona dzekuzon’ura.”

Share This:

Sponsored Links