VANA 8 VEMHURI VOSHAIKWA . . . mushure mekubuda muKwayedza vachinzi vari kutambura

17 May, 2023 - 17:05 0 Views
VANA 8 VEMHURI VOSHAIKWA . . . mushure mekubuda muKwayedza vachinzi vari kutambura Agness Jumbe

Kwayedza

Fungai Lupande ari kwaMASEMBURA

VANA vasere vemubhuku raMhasvi, kwaMambo Masembura, kuBindura – avo vakabuda muKwayedza masvondo maviri adarika vachinzi vari kutambura zvekudya nhoko dzezvironda mushure mekunge vasiiwa naamai vavo mumaoko emwanasikana wemhuri iyi ane makore 20 okuberekwa, ivo vachienda kunogara nemumwe murume kuShamva – havasi kuonekwa.

Vana vasere ava, vose nemusikana wavange vasara naye uyu, havasi kuzivikanwa kwavari mushure mekunge vangotsakatika pamusha apo pakaita kakutaura taura zvichitevera kubuda kwenyaya yavo mubepanhau rino izvo zvinonzi hazvina kufarirwa nevamwe vakuru vemunharaunda iyi.

Svondo rapera pamberi, mwanasikana wekusiirwa vana ava, Agnes Jumbe (20), akaudza Kwayedza kuti varti kurarama nekuita maricho nekupemha, izvo zvinopa kuti dzimwe nguva vaswere zvose nekurara nenzara.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, kune vanhu vakawanda vakataura nezvayo, kusanganisira imwe kambani iyo yakazvipira kuvabatsira nepekugara, chikafu zvose nekuendesa vana ava kuchikoro.

NeChishanu chadarika, Kwayedza yakazodzokera kwaMasembura pamwe chete nekambani iyi ichida kunovaona ndokuwana musha wava dongo, uye vemunharaunda vachiti havasi kuziva kuti vakaendepi.

Munyaya iyoyi, zvakabuda pachena kuti vana ava havasi kubatsirwa nezvirongwa zvinoyamura vanotambura zvemumusha kana kuti zvekumaruwa ikoko.

Pane mashoko anoti Agnes akatamiswa naamai vake mangwanani eChina chadarika zvichitevera kutyisidzirwa kwakaitwa mhuri iyi apo nyaya yavo yakabuda muKwayedza.

Agnes akasiiwa achichengeta vana vasere ava, kusanganisira mwanasikana wake ane makore maviri okuberekwa, mushure mekunge amai vake vatizira kune mumwe murume wekuShamva.

Vanga vachichengeta musha wemunin’ina waSabhuku Mhasvi.

Agnes airarama nekuita marikicho munharaunda.

Vamwe vanhu vari kuda kubatsira, kusanganisira kambani, vakashanyira mhuri iyi neChishanu vakabatana neKwayedza apo Agnes zvose nevana vasere ava vakawanikwa vasipo.

Mumwe muvakidzani wavo, Mai Rumbidzai Mudzingwa, vanoti amai vaAgnes vakauya nemusi weChina kuma3 dzemangwanani, ndokumutora pamwe chete nevana ava vachibva vasngoenda.

Mai Rumbidzai Mudzingwa

Zvinonzi mhuri yaAgnes yakatyisidzirwa kuti mapurisa ari kuvavhima uye vachasungwa nekutadza kuendesa vana ava kuchikoro.

Kwayedza yakakwanisa kuronda Sabhuku Mhasvi, VaGabriel Nyamadzawo, avo vari kugunun’una kuti nyaya yevana ava yakaburitswa sei mubepanhau rino ivo vasina ruzivo.

Vanoti Agnes aisataura chokwadi uye vemhuri iyi havana kuenda kwavari vachivazivisa kuti vari kutambura kuwana chekudya.

Asi pamba panga pachichengetwa naAgnes aine vana ava ndepemunin’ina wavo.

“Agnes aigara nevana vana (4) uye vamwe vana (4) vakange vatorwa naamai vake pakaburitswa nyaya iyi mubepanhau. Hakasi kekutanga kuti mhuri iyi igare mumusha uno. Pane imwe nguva vakambotamira kuGoromonzi kwavakabva vakadzoka gore rakapera munaMbudzi,” vanodaro sabhuku.

“Pavakatanga kuuya mumusha muno, vakanga vachigara pamba pemunin’ina wangu. Amai ava vaive nevana vadiki vatatu uye vakaita chikomba vakapihwa nhumbu nemumwe mukomana wemumusha waWayerera (kwakare kuBindura).

“Ndakazoziva kuti amai ava vakatiza vakasiya vana vaina Agnes nekuda kwenyaya yakabuda muKwayedza menyu. Tine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vanotambura munharaunda medu zvinosanganisira zveZunde raMambo neSocial Development Department.”

Sabhuku Mhazvi vanoti vakatsvaga bhagidhi rechibage kubva kubazi reSocial Development ndokupa vemhuri iyi zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza.

Sabhuku Mhasvi

Vanoti chirongwa chekuongorora vanhu vanotambura vanoda rubatsiro kubva kuHurumende chekubatsira nechibage nezvimwe chakaitwa ivo vasipo.

“Mhuri iyi haina kumbobvira yatsvaga rubatsiro kuSocial Welfare. Agnes haana kubuda pachena nezvenyaya yavo. Amai vavo pavaive varipo, vana ava vaichengetwa zvakanaka,” vanodaro Sabhuku Mhasvi.

“Hachisi chokwadi kuti ndakavadzinga. Pandakapfuura nepamusha apa ndichibvunza mhuri iyi, ndakanzwa kuti amai ava vakaenda navo. Mambo Masembura vakandibvunzurudza nezvenyaya iyi ndikavaudza kuti ndakabatsira mhuri iyi nebhagidhi rechibage,” anodaro sabhuku uyu.

Sabhuku Mhasvi vanoti vakabatsira mhuri iyi kutora magwaro ekuzvarwa uye vana vakanyoreswa pasi pechirongwa cheBEAM asi vakazokanzurwa nekuda kwekusagara kwavo panzvimbo imwe chete.

Vanoti mumusha mavo hamuna nzvimbo yekuti mhuri iyi iwane pekugara zvachose.

“Nyaya yavo yakanditsamwisa, ko mashoko angasvike sei kumapepanhau ini ndisati ndaziva? Kana pane vanoshuvira vanoda kubatsira mhuri, ndichabatana nemimwe misha nekuti muno handina nzvimbo. Tichagara pasi toita nhaurirano nemhuri iyi tichikurukura kuti sei vakabuda munhau,” vanodaro.

“Tine nherera nevanotambura vari mumisha avo tinovabatsira kuti vawane rubatsiro.”

Mai Zorodzai Mundawarara vanova “mai hutsanana” wemuWadhi 10, kwaMasembura, vanoti iyi inyaya yemhuri inotungamirirwa nemumwe mwana.

Mai Zorodzai Mundawarara

“Murume waamai ava wekutanga aiva n’anga yekwaNyava (kwaMusana, kuBindura). Handizive kuti vakazoguma sei vave mumusha waMhasvi nemurume wavo mushakabvu,” vanodaro.

“Mushure mekufa kwemurume wavo, vakatanga kudanana nevarume vechidiki, vakaita vana vakawanda. Mhuri yacho haina imba yavo chaiyo sezvo vachifamba vachigara nzvimbo nenzvimbo.

“Mushure mekupihwa pamuviri nemumwe mukomana wemumusha waWayerera, amai vacho vakaenda kunogarako ndokuzodzoka. Vakazonogara kune imwe nzvimbo ndokuzodzoka zvakare vasati vaenda kuShamva vachisiya vana vachichengetwa naAgnes,” vanodaro.

“Hakuna mwana anoenda kuchikoro, havana nzvimbo yekurima mbesa kana mbatya dzekupfeka. Ava ndivo vana vari kutambura zvakanyanya zvekuti vanoda rubatsiro nekukasika.”

Mai Mundawarara vanoti zvinonetsa kuti mhuri iyi inyatsobatsirwa nekuti amai vacho vanogara vachingofamba-famba.

Vanoti vanovimba kuti kuburitswa kwakaitwa nyaya iyi mubepanhau ndiko kwakakonzera kuti vemhuri iyi vatize nekuda kwekushaya ruzivo.

“Agnes akatanga kuita zvevarume achiri mudiki nekuda kwehurombo sezvo aitsvaga nzira dzekuti ararame nevanin’ina vake,” vanodaro Mai Mundawarara.

Kwayedza yakatsvaga vemhuri iyi iyanosvika kuShamva uko amai vevana ava vanonzi vave kugara asi haina kukwanisa kuvawana.

Regai dzive shiri

Bepanhau rino rine chirongwa chinonzi REGAI DZIVE SHIRI icho chakananga kubatsira vana kuti vasatambure kana kushungurudzwa.

Pasi pechirongwa ichochi, ndizvo zvakaita kuti nyaya iyi ibude uye kuti varuzhinji vazoti vanoda kuvabatsira.

Zvino havasi kuonekwa uye hakuna ari kuziva kwavakaendeswa.

Share This:

Sponsored Links