Vana 80 vafa negwirikwiti

15 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Vana 80 vafa negwirikwiti Dr Chimedza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE chegwirikwiti, icho chakaipisisa sezvo chichiuraya, chanyuka muZimbabwe uye kusvika pari zvino chauraya vana makumi masere apo vamwe 1 036 vanofungidzirwa kuti vakabatwa nedenda iri.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinozivisa nezvekunyuka kwechirwere ichi munyika uye rinokurudzira kuti vabereki vabaise vana vavo majekiseni ekuchidzivirira.

Gwirikwiti rinotapuriranwa kuburikidza nemweya wekufema apo mwana ane chirwere ichi anokosora, kuhotsira kana kusangana neasina kudzivirirwa zvichiita kuti chitekeshere.

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti nemusi wa10 Kubvumbi, kwaMutasa mudunhu reManicaland, ndiko kwakawanikwa nyaya dzakawanda dzechirwere ichi zvichikonzerwa nekuungana kunoita vanhu sekumachechi.

Mwana ane gwirikwiti

“Vatendi vemakereke emudunhu iri vakaungana vachiita misangano yavo yechechi uye havana nhoroondo yekuti vakabaisa vana vavo majekiseni zviri kuita kuti chirwere ichi chirambe chichitekeshera. Nemusi wa11 Nyamavhuvhu, takaita nyaya 1 036 idzo tine fungidziro yekuti dzinodyidzana nechirwere ichi, tikaita nyaya 125 dzatakavheneka uye ndufu 80 kureva kuti tine ndufu dzine chikamu che6.9 percent,” vanodaro.

Dr Chimedza vanoti nyaya zhinji dzavakawana ndedzevana vane mwedzi mitanhatu kusvika pamakore 15 ekubekerwa avo vane vabereki vanopinda zvitendero zvechipositori nemamwe machechi asingabvumiri kubaisa vana majekiseni muzvipatara kuti vadzivirirwe.

“Sebazi rezveutano, tiri kuunganidza mari nezvimwe zvinodiwa kuti tione kuti vana vadzivirirwa kubva kuzvirwere zvemhando iyi uye tinoda kuti chikamu che95 percent chevana vabaiwe majekiseni ekutanga neechipiri. Tinokurudzira vabereki kuti vabaise vana vavo majekiseni kuti tichengetedze upenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links