‘Vana handi vako, ndeve mukadzi’

02 May, 2023 - 13:05 0 Views
‘Vana handi vako, ndeve mukadzi’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare wekuzama kunzvenga kubhadhara mari yemendenenzi yevana vake vaviri achiti ane vamwe vana vaari kuchengeta akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo zvakabuda kuti vana ava ndevemukadzi waari kugara naye.

Petronella Mawoyo akamhan’arira Hillary T Nyamandi kuHarare Civil Court achida US$120 yekuriritira vana vavo vaviri.

Nyamandi anopikisa achiti haagone kumupa mari yaari kuda nokuti anotambira mari shoma uye ane mudzimai nevamwe vana vaviri vaari kuchengeta.

“Ndine mubvunzo wekuti paUS$120 vanenge vachinyanya kudya chikafu chakaita sei? Inini handiikwanise hangu mari yaari kutaura nekuti ndinotambira US$200 ne$32 000. Ndinokwanisa kumupa US$40, mumwe mwana ndakaisa pa’medical aid’ yangu mumwe takawirirana kuti anomurapisawo,” anodaro Nyamandi.

Mawoyo anoti zvose zviri kutaurwa naNyamandi ndezvemanyepo.

“Ari kunyepa kuti ane vana vaviri, vana ava ndevemukadzi waari kugara naye havasi vake. Ndinokumbirawo kuti aunze magwaro anoratidza kuti vana vake, kusada kuchengeta vana, hapana chimwe,” anodaro Mawoyo.

Nyamandi akazoti ane mwana mumwe chete uyo ari kuSouth Africa saka aida nguva yekuti gwaro racho ritumirwe naamai vake.

Mutongi Sharon Mashavira vakaudza Nyamandi kuti hazvinetse kutumira gwaro iri nekuti nenhare dzemazuva ano anongotora mufananidzo otumira pasina kukwira bhazi.

Vakati Nyamandi anofanira kuuya nemagwaro ekuberekwa kwevana vaanotaura pamwe nerekubhanga kwake rinoratidza mari yemwedzi waKubvumbi uye neremuhoro wake kubasa remunaKubvumbi zvakare.

Vaviri ava vakanzi vadzoke kudare nemusi wa28 Kubvumbi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey