‘Vana handi vangu, ini handizvare’

11 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
‘Vana handi vangu, ini handizvare’

Kwayedza

Tendai Kwaramba

MURUME wekwaMutare nemudzimai wake vamisikidzana mudare redzimhosva pamusoro penyaya yemhuri yavo apo samusha uyu ari kuti vana vatatu pavana (4) vavainavo havazi vake achiti vakaberekwa panguva yaakange asingazvare.
Simon Mberengwa anoti ane idi rekuti vana ava havazi vake izvo zvaita kuti mudzimai wake – Graciuos Mudimu – azopotera kudare achida mari yemendenenzi yekuvachengeta.

Mberengwa anoti mwana wake pavana ava igotwe chete.

Murume uyu anoti vamwe vana vatatu vakaberekwa panguva iyo sikarudzi yake yakange isingatirimuke nekudaro havazi vake.
Mberengwa nemudzimai wake vakamiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrate Court, VaXavier Chipato.
Mudimu anoudza dare kuti Mberengwa ari kuramba kuriritira mhuri yavo uye anoda $29 000 yekuchengeta vana ava.
“Anotambira $40 000 semutyairi wegonyeti uye anokwanisa kubhadhara $29 000,” anodaro.

Zvisinei, Mberengwa anoti haakwanise kubhadhara mari iyi nekuti vana ava havazi vake.

“Mambo wangu, vatatu vevana ava havazi vangu. Vakaberekwa panguva yandakange ndisingazvare.
“Zvisinei, mwana wechina akazoberekwa mushure mekunge ndawana rubatsiro padambudziko iri. Ndinobvuma kumuriritira,” anodaro.

Mberengwa anoenderera mberi achiti, “Handihore $40 000 pamwedzi, asi $12 000.”

Mberengwa anoti anokwanisa kubhadhara $3 000 chete pamwedzi achimirira ongororo yeDNA yekuona kuti vamwe vana vatatu ava ndevake here kana kuti kwete.

Mutongi Chipato akamuti abhadhare $10 000 yekuchengeta vana ava.

Share This:

Sponsored Links