vana havaone chitunha

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
vana havaone chitunha SEKURU FRIDAY CHISANYU

Kwayedza

— ‘Vanoita buka, jambwa’
— ‘Kuda chiRungu here?’
— Regai tsika iyi: Mambo

Muchaneta Chimuka —
TSIKA yekuonekedzana nemufi chitunha chake chisati chavigwa yakagara ichikosheswa kubvira nakare. Iyi ndiyo nguva yekuti hama dzepedyo neshamwari dzinopupura pamusoro pemunhu anengea afa, pashure voita mudungwe kana kuti rundaza vachiona chiso chemushakabvu chiri mubhokisi — kekupedzisira. Ndiko kunonzi kuonekana nemufi.

Kana izvi zvaitwa, chitunha chinozovigwa muguva, veruzhinji vozoparara zvavo. Kana dai zvazvo tsika yekuona chitunha pakuonekana nemufi yakagara iriko, asi mazuva ano pava neshanduko huru pane zvaiitwa kare.

Kubva kare, hama neshamwari dzaiona chitunha pakuonekana nemufi vaiva vanhu vakuru bedzi. KWETE PWERE! Zvisinei nekuti angava ari wepodyo zvakadii kumushakabvu — kana dai akave mwana wemufi — pwere hadzaitenderwa kuona chitunha.

Asi mazuva ano zvinhu zvasanduka, vana vave kuona zvitunha, vakatobatwa kana kusimudzwa nevakuru kuti vanyatsoona munhu anenge akafa ari mubhokisi. Unotonzwa mumwe mwana achinzi nemunhu mukuru, “Kisa daddy vasati vavigwa, ita bye-bye mhamha.”

Nhasi uno hazvishamise kuona vana vachiri kunhuwa mukaka pamhuno vachimirawo mumutsetse wekuonekedzana nemushakabvu kana nguva yacho yasvika.

Nguva pfupi yadarika, pane vamwe vanhu vakaonekwa vaine bhokisi raive nemufi vachirivheesa mudenga pamwe nekurikandirana pakati peguta Harare, izvo zvakashamisa veruzhinji.

Kare izvi zvaiyera. Mufi airemekedzwa uye vana havaitenderwa kuva parufu kana pedyo nemufi. Vamwe vechikuru vaitobvisa vana pamusha kana pafiwa kuti vasaone zvinoitikapo.

Ko sei zvinhu zvasanduka kudai? Zvichida ndiko kupindana kwamazuva. Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika yekuonekedzana nevafi iyi, pamwe nezvimwe zvinoitwa parufu, ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

Asi chakabuda pachena inyaya inonzi kune mhuri dzave kubatira chiRungu pamusoro, dzichiita kuti vana vaone zvitunha.

Mambo Chipuriro vekuGuruve, VaClever Chipuriro, vanoti vanhu vabva zera —vane makore ekuzvarwa anobvira pa18 zvichienda mberi — ndivo bedzi, patsika yechivanhu, vanokodzera kuonekedzana nevafi vachiona chitunha.

“Vana vari pasi pemakore 18 handioni chikonzero chekuti varatidzwe zvitunha, nekuti havana chavanoziva nezverufu. Semadzishe, tinoti kuita uku kupedza nguva uye kudira buka muvana — pwere dzisina zvadzinoziva.

“Ngatidzokerei kutsika dzedu dzakare kwete kutevedzera chiRungu nekuti hatisi vaRungu. Hongu, tinozviona zvichiitika pamaterevhizheni, vamwe vana vachitopa tsvodo kuzvitunha. Aiwa, zvitunha hazvikisiwi, tsvodo inopihwa kuvapenyu.

“Zvitunha hazvina zvazvinonzwa, chero zvikakiswa nevana. Vanhu vanenge voda kunyepera kupa rudo kumufi asi panguva yaaive mupenyu vaimusema,” vanodaro Mambo Chipuriro.

MAMBO CLEVER CHIPURIRO

Vanoshora zvakare imwe tsika iri kuitwa nevaroora yekuvhara musuwo unenge uchifanira kubuda nechitunha nemazambiya vachiti hazvitenderwi pachivanhu kuvharira chitunha mukati memba icho chichifanirwa kuenda kumakuva.

Munyori uye ari nyanzvi mune zvechivanhu, Dr Sekai Nzenza vanoti kuona chitunha kwakakosha kuvanhu vabva zera, kwete kuvana.

“Kuvanhu vakuru zvakakosha kuonekedzana nemufi nechikonzero chekuti munhu wavaiona, vachiziva uye vanenge vava kumuone kekugumisira. Asi zvinhu zvinotyisa kuti vana vaone chitunha,” vanodaro Dr Nzenza.

Vanopa muenzaniso wakaitika mumhuri mavo apo mumwe mwana akaona bhokisi raive nechitunha chababa vake, izvo zvakamukanganisa kusvika nanhasi.

“Mwana uyu akaona bhokisi rebrown bedzi, kwete chitunha. Kubva ipapo zvakamukanganisa zvekuti kana nanhasi ane ruvengo kana kuti anoshungurudzwa nezvinhu zvakagadzirwa nemapuranga zvebrown, kana newodhiropu chaiyo,” vanodaro Dr Nzenza.

Mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe, Archbishop Johannes Ndanga vanoti chiKristu hachina mutemo unotendera kana kubvumidza kuonekwa kwezvitunha.

Asi vanoti hazvina kukodzera kuti vana vaone zvitunha, vachiti pwere hadzina ruzivo rwezvinhu zvinenge zvichiitika.

Vanoti: “Kuvana zvinovavhiringidza zvikuru. Zvisinei, nekuda kweruzivo rwavako mazuva ana, ivo vana vave kuda kuziva nekuona zvakawanda nechikonzero chemararamiro avave kuita. Vana vemazuva ano vave kuona, vave kuzivisisa zvakawanda.”

Nyanzvi mutsika dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano rinomirira n’anga nemaporofita – reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA) – Sekuru Friday Chisanyu vanoti vanhu vabva zera uye vanoziva kuti kana munhu afa anenge aenda zvachose ndivo vakakodzera kuona chitunha.

“Vana vasingazivi kuti rufu chii havafaniri kuona zvitunha nekuti zvinovashungurudza mupfungwa. Vanosvikirwa kana kuti vanopoterwa nemidzimu havafanire zvakare kuona zvitunha nekuti anenge achisvikirwa nemunhu akafa, nokudaro vakafa havaonani.

“Vakazvitakura vanogona kupedzisira vaparadzika mimba nekuda kwekutya, saka havafanire kuona zvitunha. Uyewo mwana ari mudumbu anotorwa semunhu akachena saka amai vake vakaona chitunha iye anenge ave kunzi asvibiswa nekuti anenge atochionawo,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

GLORIA CHARI

Mai Gloria Chari (47) vekuGuruve vanoti vanhu vakawanda vave kutsaudzira tsika dzechivanhu vachitoredzera maitiro emamwe marudzi.

“Vanhu vave kubatira chiRungu pamusoro apo tinoona vachiratidza vana zvitunha vachitoti nechiRungu, ‘Say goodbye to you daddy.’ Izvi hazvina kukodzera uye handi rudo kumwana uyu.

“Vana vakajaira kuona zvitunha havazotyi kana kupara mhosva dzekuuraya munhu kana vakura. Panoitwa izvi vana vanenge vasati voziva kuti zvinorevei. Kana mubereki achinge afa, mwana anoudzwa zvinenge zvaitika, azonyatsotsanangurirwa akura achiratidzwa guva remubereki wake, kwete kuti aone chitunha nekuti zvinogona kumushungurudza kweupenyu hwake hwose,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Pedzisai Chaparadza (49) vachiti vamwe vanhu vari kurasa tsika dzechinyakare dzekuviga vafi apo pwere dzaitotenherwa mudzimba kusvika zvirongwa zvose zverufu zvapera kuitwa – chitunha chatovigwa.

“Isu tichikura, hatina kana kumbosvika pamusha panenge paine rufu. Taitovharirwa mumba kuti tisaziva kuti chii chiri kutora nzvimbo.

“Kana nhamo iri pamusha pedu, taitoendeswa kune mumwe musha – kunyangwe nzira yainge yashandiswa nevanhu kuenda kumakuva, yaitotora svondo isingatenderwi kutsikwa nevanhu,” vanodaro Mai Chaparadza.

LINDA CHIMANIKIRE

Mai Linda Chimanikire (30) vanotiwo mufi anopihwa ruremekedzo rwukuru kupinda munhu mupenyu, nekudaro haafanire kuitwa dambe naye apo vanhu vanongoenda kurufu vachiti vanoda kunoona chitunha.

“Chitunha hachionekwe nemunhu wose-wose – zvikuru pwere, madzimai akazvitakura nevanhu vasina hana dzakasimba, sevaye vane zvirwere zveBP. Kazhinji kacho ndipo paye pamunoona pachizoita nhamo mbiri mumwe munhu atsemuka hana ofa mushure mekuona chitunha,” vanodaro.

Mai Chimanikire vanoenderera mberi vachiti: “Zvinoitwa nevanhu vabva zera uye vakashinga, kunyangwe vamwe vanhurume vane hana nhete vanotorambidzwa kuona zvitunha senzira yekuderedza mikana yekufenda uye kurasikirwa neupenyu. Kana uchitya kuona chitunha unogona kuzongokanda ivhu muguva panguva yekuvigwa kwemutumbi kana kungomira nechekure.”

Mai Serbia Chimuka (50) vanotiwo makare-kare hakuna zvitunha zvaivigwa pachivanze chemusha asi kuti zvaitoendeswa kumakomo, kumapako kana kumapani ari kure nemisha senzira yekuti vanhu vasaramba vachirangaridzwa nezvevafi.

“Chava chiRungu vanhu vave kuvigwa pachivanze chaipo, vamwe mukati medzimba nemumakereke zvinova zvinopikisana nechivanhu chedu. Kare dzinza nenzinza raive nenzvimbo yaro yakatarwa kuti ndeyekuviga vafi. Vanhu vaizongoenda kumakuva kunosakura masora nekuvakurudza makuva anenge ave kudhirika kana kuti pachiitwa zvirongwa zvekurangarira vafi sekurova makuva pakudzosa mweya wemufi mumusha kana nyaradzo,” vanodaro.

Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Martha Reid vanotsinhira vachitiwo chitunha chinoonekwa nevehukama vemufi neshamwari dzepedyo bedzi, vari vanhu vabva zera uye vakazvipira kuita izvi.

“Kwete zvemazuva ano zvekuti anotobva kumba kwake achiti anoda kunoona kuti nhingi azofa aita sei. Kana kutoona pwere dziri mumutsetse kuona chitunha, kuti zvizodii? Ndiko kumwe kuzvitorera tusina maturo ikoko,” vanodaro Mbuya Reid.

Share This:

Sponsored Links