Vana, madzimai votambudzwa

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vana, madzimai votambudzwa Coronavirus

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reUNFPA nevamwe vatsigiri vanoti nyaya dzemhirizhonga nedzimwe tsika dzinokanganisa magariro evanhu dzinofanira kutariswa nechimbi-chimbi panguva iyo mamiriyoni evanasikana pasi rose vari kushungurudzwa panyama nemupfungwa nehama dzepedyo, kunyanyanya pari zvino apo nyika dziri kurwisa Covid-19.

Izvi zvakabuda paongororo ichangobva kuitwa iri maererano nehuwandu hwevanhu pasi rose (state of world population 2020) iyo yakaparurwa nesangano iri.

Ongororo iyi inoratidza kuti pasi rose, kusanganisira Zimbabwe, vanasikana zviuru nezviuru vari kukundikana kubatsirwa munyaya dzeutano nekodzero zvichitevera kuwanda kwemhirizhonga.

“Kune dzimwe tsika dzinosvika 19 dzechivanhu idzo dzine mhirizhonga kuvanasikana nemadzimai dzinosanganisira kuayinwa kana kuchiswa kwemazamu, kuvheneka umhandara, kuchekwa kwesikarudzi (female genital mutilation), kuroodzwa kwepwere nekukosheswa kwevanakomana kana vachienzaniswa nevanasikana, pakati pezvimwe.

“Tsika idzi dzakaipisisa zvikuru nekuti dzinokonzera kushungurudzwa kwevana mupfungwa nepanyama zvichiita kuti vakundikane kubudirira,” vanodaro Dr Natali Kanem avo vanova executive director weUNFPA.

MuZimbabwe, nyaya dzemhirizhonga nedzimwe tsika idzi dziri kudzikisira budiriro zvichizowedzerwawo nekuuya kwechirwere cheCovid-19.

Gwaro reZimbabwe Demographic Health Survey (ZDHS) renguva yadarika rinotsinhira kuti nyaya dzemhirizhonga kumadzimai dzakawanda zvisinei nenzvimbo dzavanogara, upfumi kana dzidzo.

Chikamu che35 percent chemadzimai nevanasikana vane makore 15 kusvika 49 ekuberekwa vakatombosangana nemhirizhonga muupenyu hwavo.

Panguva imwecheteyo, Zimbabwe iri pakati penyika 20 dziri muAfrica dzine nyaya dzakawanda dzekuroodzwa kwevana.

Ongororo yakaitwa mugwaro reMIcs 2019 inoratidza kuti mudzimai mumwe chete pakati pevatatu (34 percent) vane makore anobvira pa20 kusvika 24 ekuberekwa vakaroorwa vari pasi pemakore 18 okuzvarwa.

Chirongwa cheAccelerated Action chine donzvo rekuona kuti matambudziko erudzi urwu agadziriswa nenguva sezvo achikanganisa budiriro yenyika.

“Zvimhingamupinyi zvikuru zviri kukanganisa utano hwekuyaruka (sexual reproductive health) inyaya dzekukasika kupinda muwanano vanhu vasati vabva zera izvo zvinokonzera kuti amai nemwana vazorasikirwa neupenyu panguva yekubara kana kutsemuka zvibereko (fistula).

“Kukuvara kweuropi kuvana vanozvarwa zvichikonzerwa nekurwadziwa kwenguva refu pakubara nekuda kwekuti miviri yavo inenge isati yasimba kuti ikwanise kubudisa vana,” vanodaro Dr Esther Muia vanova mumiririri wesangano reUNFPA muZimbabwe.

Gore rino, gwaro reState of the World Population Report rakaparurwa panguva iyo chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa kufambiswa kwemabasa akawanda ari pamusoro pekurwiswa kwemhirizhonga uye dzimwe tsika dzechivanhu idzo dzakaipa.

Pasi rose, Covid-19 yakanganisa zvirongwa zvine donzvo rekupedza nyaya dzekuroodzwa kwevana nekudaro pane mikana yekuwanda kwenyaya idzi kusvika pa13 miriyoni pakati pegore ra2020 na2030. Saka panofanira kutorwa matanho akasimba kuti huwandu uhwu huderere muZimbabwe.

“Sangano reEuropean Union riri kuedza kurwisa nyaya dzemhirizhonga kumadzimai nevanasikana pasi rose kuburikidza nechirongwa cheSpotlight Initiative.

“United Nations iri kushanda neHurumende mukufambisa chirongwa chekurwisa kuroodzwa kwevana chine rutsigiro rweUS$30 miriyoni.

“Kuroodzwa kwevana nekumbunyikidza kodzero dzavo kunounza nzara neurombo munyika. Ngatisiyei vana vakure pane kuvaita madzimai nevabereki nguva isati yasvika,” vanodaro VaTimo Olkkonen vanova Ambassador weEuropean Union muZimbabwe.

Nyika dzakazadzikisa mitemo yepasi rose yakadai seThe Convention on the Rights of the Child (inoona nezvekodzero dzevana) kuti vasambunyikidzwe mungava mudzimba, mumabasa nekumakereke pakati pedzimwe nzvimbo.

Zvisinei nekuti nyaya dzemhirizhonga idambudziko guru munyika, kune mitemo yakawanda inobatsira mukuchengetedzwa kwevanhu se2006 Domestic Violence Act.

Share This:

Sponsored Links