Vana manyatatu vobatsirwa

12 May, 2023 - 09:05 0 Views
Vana manyatatu vobatsirwa Reverend Abel Makahamadze (vechipiri kubva kuruboshwe) vachitambidza Mai Talent Mbizi Shayamano rubatsiro rwakapihwa neZimworx apo vamwe vesangano iri vaive vakatarisa uye vakabata vana manyatatu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vakaberekwa vari manyatatu vekwaDhonoro kuEpworth – avo vange vari kushaya mukaka nekumwe kudya kunovaka muviri sezvo amai vacho vasiri kubuda mukaka unovakwanira izvo zvinogona kukonzera kuti vabatwe nezvirwere, kusanganisira kwashi – vatanga kuwana rubatsiro zvichitevera kuburitswa kwakaitwa dambudziko ravo neKwayedza.

Sangano reZimworx nomusi weChishanu chino rakabatsira mhuri yevana ava nezvinhu zvinosanganisira magumbeze nechikafu.

Vachitaura pakutambidzwa kwerubatsiro urwu, Reverend Abel Makahamadze vekuZimworx vanoti kuburikidza nechirongwa chekubasa kwavo cheWorkplace Wellness uko vanoshanda semurongi vanoti, vakanzwa nyaya yemudzimai uyu paredhiyo ikavabata ndokusarudza kubatsira.

“Pandakanzwa mupepeti weKwayedza Va(Patrick) Shamba vachitaura paredhiyo nomusi weChina kuti mubepanhau ravo mune nyaya yemudzimai ane vana vava kuita kwashi nekuda kwekushaya mukaka ndakabatikana. Pakutanga, ndakakundikana kutora nhamba dzacho asi chirongwa chakazodzokororwa zvekare mumwe musi ndiri kumba ndikati mwana wangu atore nhamba dzenhare. Ndakaudza vamwe vandinoshanda navo tikaunganidza zvekunobatsira uye tinokurudzira vemamwe makambani kana vakazvimiririra kuti varambe vachibatsira mudzimai uyu sezvo achiri kuda rubatsiro rwunoendeka,” vanodaro.

Pamusoro pegirosari, magumbeze, mikaka yemumagaba yevana, sipo, bota nezvimwe zvavakavapa, Rev Makahamadze vakapa zvekare amai vevana ava US$50 kuti vazotenga zvimwe zvinhu zvavanogona kunge vakakundikana kuvatengera semunhu ane mhuri.

Kevin Mwenye anova mukushi wemashoko kuZimworx anoti kubasa kwavo vane chirongwa chekubatsirana pachavo sevashandi asi vachibatsirawo zvekare vanhu vanotambura munharaunda.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 059 890 kana kushanyira mahofisi eKwayedza.

Mai Talent Mbizi Shayamano vanove amai vevana ava vakatenda zvikuru rubatsiro urwu.

Zvakadai, kune vanhu vane chitsama vari kuchaira nhare mahofisi eKwayedza vachivimbisa kubatsira mhuri iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey