Vana manyatatu voramba vachiwana rubatsiro  

18 May, 2023 - 15:05 0 Views
Vana manyatatu voramba vachiwana rubatsiro   VaLeo Tichaona Kambanga vakabata vamwe vevana manyayatu uye vachitambidza Mai Talent Mbizi Shayamano zvimwe zvezvinhu zvavakavapa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vakaberekwa vari manyatatu vekwaDhonoro kuEpworth – avo vange vari kushaya mukaka nekumwe kudya kunovaka muviri sezvo amai vacho vasiri kubuda mukaka unovakwanira –  vari kuramba vachiwana rubatsiro uye kambani yeBruno Furniturez yakatambanudzawo ruoko ndokuvapa mukaka wemumagaba, mapamper, sipo uye vakavimbisa kuzovagadzirira mubhedha wakakura unoita kuti vasatsimbirirane panzvimbo diki.

Vachigachidza rubatsiro urwu kuna amai vevana ava, Mai Talent Mbizi Shayamano (39), mukuru wekambani iyi –

VaLeo Tichaona Kambanga –  vanoti vakafunga zvekubatsira vana ava mushure mekuverenga nezvedambudziko ravo mubepanhau reKwayedza.

“Ndakaverenga nyaya yaamai ava mubepanhau reKwayedza ndikaona zvakakodzera kuti ndivabatsire. Ndada kuzvionera ndega kwete zvemubepanhau kuti variko here vana ava. Ndichavapa zvakare mbatya nemagumbeze uye sevanhu vari mubhizimusi rekuveza mibhedha, masofa nezvimwe tichavavezera mubhedha wakakura kuti vakwane vese nemhuri yavo itsva iyi.

“Ndarwadziwa kuona vana vachichema nenzara, zvinorwadza uye amai vavo vanoda musikana webasa anovabatsira kubata vana,” vanodaro.

VaLeo Tichaona Kambanga vachitambidza Mai Talent Mbizi Shayamano mubhedha.

Mai Shayamano, avo kumusha vanobva kwaGutu kuMasvingo kunove kwavakasunungukira manyatatu aya, vanoti vanotenda zvakanyanya rubatsirwo rwavari kuwaniswa.

Svondo rapera, mudzimai uyu akatsigirwa zvekare nechikafu nevashandi vekambani yeZimworx.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 059 890 kana kushanyira mahofisi eKwayedza.

Share This:

Sponsored Links