Vana manyatatu voshaya  chekudya

09 May, 2023 - 10:05 0 Views
Vana manyatatu voshaya  chekudya Mai Talent Shayamano nevana vavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kwaDhonoro, kuEpworth, inoti iri kutambura kurera vana vakaberekwa vari manyatatu avo vari kushaya mukaka nekumwe kudya kunovaka muviri sezvo amai vacho vasiri kubuda mukaka unovakwanira izvo zvinogona kukonzera kuti vabatwe nezvirwere, kusanganisira kwashi.

Vana ava, vasikana vaviri nemukomana, vava nemwedzi mishanu yekuberekwa.

Mai Talent Mbizi Shayamano (39) amai vevana ava, avo vanogara panhamba 2568 kwaDhonoro uye vanova mudzimai waVaLawrence Shayamano (41), vanoti zvinhu zvavaomera zvekuti vave kutyira kuti vana vavo vanogona kuziya nenzara.

“Takaroorana nemurume wangu mugore ra2007 ndokubereka vana vedu vanoti dangwe rine makore 15 okuberekwa, wechipiri ane 12 newechitatu ane makore 9. Ndakazoita pamuviri pechina pandakazosununguka vana vatatu ava nguva imwe chete, vana vedu vose ndokuita 6,” vanodaro Mai Shayamano.

Vanoenderera mberi vachiti: “Murume wangu haashande, anoita basa rekufamba achinhonga mapurasitiki ayo tinozotengesa kune imwe kambani yemuguta reHarare. Hapana mari yakawanda yatinowana, ini amai vacho handibude mukaka unokwanirana nevana ava nekuti handinawo kudya kunoita kuti ndiite mukaka mumazamu angu.

“Vana ava ndava kuvapa bota rehupfu hwemugaiwa randinotanga ndanyika kuti rivavire nekuti rekutenga mari yacho handina.”

Mai Shayamano vanoti kana vapedza kupa vana vavo bota rehupfu iri, vanozovapa mvura yakawanda kuti vagute.

“Pamusoro pezvo, kubva pakaberekwa vana ava, havana mbatya dzinodziya nemachira acho ekuvaberekesa. Mapamba chaiwo ndinoita ekutamburira, sipo nemafuta ekuvazora hapana uye ndinombovazora mafuta ekubikisa chaiwo.

“Magumbeze hapana, kusanganisira nesu vanhu vakuru tinongova nemagumbeze matatu emuto wenyemba mhuri yose,” vanodaro Mai Shayamano.

Mai Talent Shayamano (kuruboshwe) vaina Mai Ronica Chifamba Zvokomba nemumwe mwana wavo vakabata manyatatu – Mifananidzo naNicholas Bakili

Vanoti vanoda rubatsiro rwemukaka nebota rinokurudzirwa kuvana.

“Isu vanhu vakuru kudya kwacho hatina kunokwanira uyewo baba vanorwara, vane chirwere chekupunzika izvo zvinovakanganisa basa ravo rekunhonga mapurasitiki vachitengesa. Nguva yechando yasvika, mhuri yose haina chekufuga.

“Imba yedu ine mipanda miviri, hatikwanise kurara zvakanaka nevana sezvo vamwe vakura. Chokwadi hatina chatinacho pakurarama, inongova nhamo yoga,” vanodaro.

Mai Shayamano vanoti vamwe vana vavo havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari nezvimwe zvikwanisiro.

“Mumwe chete ndiye anoenda kuchikoro pakoreji yekuno kwaDhonoro anova musikana ari kuita Form 2. Mbatya chaidzo dzechikoro nebhutsu dzacho haana, anongoenda netsoka.

“Vamwe vasikana vaviri vanoti wemakore 12 okuberekwa aifanirwa kunge achiita Grade 7 newemakore 9 aifanirwa kunge achiita Grade 5 takatovaendesa kumusha kwaSabhuku Gapa, kwaGutu, uko vanogara voga nekuda kwekuomerwa neupenyu.

“Ivo vana vari kumusha ava havanawo chekudya chinokwana, vanongoraramawo nemaricho ikoko. Vatezvara vangu naamwene ndivo vanomboenda vachinovaona nenguva dziri kure,” vanodaro Mai Shayamano.

Zvisinei, vachibvunzwa kuti havatyire here kushungurudzwa kwevanasikana vavo vachiri vadiki nenzira dzakadai sepabonde sezvo vachigara kumusha voga, Mai Shayamano vanotsenga-tsenga mukanwa.

“Vana ava ndakavasunungukira kuchipatara cheGutu Mission vari magavamwedzi, izvozvi machiremba vanoti vanoda kurapwa kuzvimba maguvhu asi mari hatina nekuti vanochema zvakanyanyas. Takazouya kuno kuHarare tichisiya vamwe vana vasikana vaviri vanogara ikoko. Inyaya inondirwadza kuti isu tiri varombo vekupedzisira uyewo vana vedu vachatevedza tsoka dzedu dzehurombo nekuti havasi kuenda ku chikoro.”

Vanoti semunhu anogara oga nguva zhinji apo murume wavo anenge aenda kunonhonga mapurasitiki, havagone kutakura vana ava kana kuvabereka nekudaro vanoguma vokukumbira vavakidzani kuti vavabatsire.

Mapurasitiki anotengeswa naMai Talent Mbizi Shayamano nemurume wavo kuti vawane raramo

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 059 890.

Mai Ronica Chifamba Zvokomba (43), avo vanova muvakidzani wemhuri iyi, vanoti vanozvipira kubatsira mudzimai uyu nekumubatira vamwe vana nekuvabereka.

“Isu hatina chatinogona kuvapa kunze kwekuvachengetera vana chete sezvo vasingakwanise kuvabata vari voga. Chikumbiro chedu sevavakidzani kuti amai ava vabatsirwe nemukaka wevana uyewo mbatya nemagumbeze. Mhuri iyi ndiyo inonzi inotambura, varombo vekupedzisira munzvimbo yatinogara.

“Chikafu chaicho havana zvose nembatya dzacho. Vana manyatatu ava vakatouya kuzowedzera nhamo pamhuri iyi,” vanodaro Mai Zvokomba.

Vanoti mumwe mwana wemhuri iyi anoenda kuchikoro akapfeka mapatapata kunyangwe kuchitonhora mumwedzi waChikumi.

Zvichakadai, Mai Shayamano vanoti ivo murwerewo sezvo vachigara vachizvimba makumbo nemuviri wose uye vanoshaya mari yekunoongororwa nekurapwa.

“Iniwo ndiri murwere, ndinozvimba makumbo nemuviri asi mari yekunorapwa handina. Baba kubva pavakambotsikwa nemotokari, vave nedambudziko rekupunzika-punzika. Imba yedu ine mipanda miviri zvekuti pakurara husiku mwana wedu musikana mukuru anoburitsa zvimwe zvinhu zviri mumba kuti akwanise kurara uye anozozvidzosera mumba kana kwaedza,” vanodaro Mai Shayamano.

“Handisarudze kune zvandakapihwa, ndinotambira nekuti upenyu hwedu inhamo yoga-yoga,” vanodaro.

Murume wavo, VaShayamano, havana kuonekwa neKwayedza kuti vataurewo pamusoro pedambudziko ravo sezvo muzi uyu vainzi vakanga vaenda kunounga mapurasitiki ekuzotengesa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey