Vana tiri kuvaendesepi?

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VECHIDIKI vangagunun’una kuti nhuna dzavo hadzisi kunzwikwa neHurumende, asi kana tikanzvera dzimwe dzenyaya dzine chokuita nemagariro nemafungiro evanhu, tinoona kuti nyaya dzevechidiki vachiri muzvikoro ndidzo dzedzimwe nyaya dziri kutaurwa nezvazvo zvakanyanya mazuva ano, muno muZimbabwe nedzimwe nyika muAfrica.

Kungave kuvandudzwa kwezvidzidzo nekutarisa ramangwana revana vanobuda muzvikoro, gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mazuva ano vanogara vakaiswa parumananzombe, nokuti nyika inoda kuziva kuti vana vachabva muzvikoro vaine hunhu here, uyewo vaine zvinobatika, zvinoita kuti vashande nokushandira nyika here.

Nyaya dziri kupinzwa mudariro dzakawanda, uyewo hadzina mhinduro yaungati panongoda “hongu” kana “kwete”.

Hadzisi nyaya dzingapedzwa musi mumwe, asi kuti inyaya dzinotoda kuti vanhu vaonesane. Inyayawo dzinoda kuti vanhu vagare vachingodzoka kwadziri nokuti mukufamba kwenguva, zvinhu zvinenge zvichisanduka.

Idzodzi nyaya dziri kusimuka pamusana pokuti zvinenge zvichiita kunge ndizvo zvave kuitwa pasi rose. Vamwe vanenge vaine pfungwa yokuti zvakanakira vana neramangwana ravo, kana kuti vari kusaririra.

Dzimwe dzenyaya idzi dzinosanganisira kuti vana vechikoro vange vaine nharembozha vose here kana kuti kwete. Idzi inharembozha dzavanenge vachitarisirwa kushandisa muzvidzidzo zvavo kuzvikoro nokudzimba.

Kwapfuurawo makore makumi matatu chirwere chomukondombera chave pakati pavanhu. Kunyange zvazvo unyanzvi noruzivo pamusoro peHIV neAIDS zvatekeshera, uyewo kuti mishonga yekurebesa kurarama kune vane chirwere ichi yavepo, hurukuro iri muvanhu pamusana pevana vezvikoro ndeyokuti zvinoita here kuti vana ava vapihwe makondomu okuzvidzivirira sezvo vamwe vavo vachitanga zvepabonde vachiri pazera repasi, uyewo sezvo vamwe vavo vave muchikwata chevana vakazvarwa vaine HIV.

Vanhu vakatatsurana panyaya iyi kusanganisira mudare reParamende. Pfungwa yakabuda ndeyokuti kwave kupa vana mukana wokuita zvepabonde vasina kuwanikwa kana kuwanana.

Imwewo nyaya yasimuka ndeyokuti vanasikana vatange kuwana mikana yokudzivirira kubata pamuviri (family planning) vachiri pamazera echidiki.

Vamwe vanoti kutangira pamakore mapfumbamwe zvichikwira. Gakava iri riri kuburitsa maonero akasiyana nokuti zvinonzi, akazvara sekera mudende.

Zvose izvi zvinoratidzawo mafungiro evanhu kana zvinhu zvashanduka seshanduko yataona makore gumi nemashanu apfuura, unyanzvi hwe”technology” huchisusukidza mafambiro ezvinhu.

Mukunzvera, tinoonawo kuti pakauya vachena vachivaka zvikoro nemadhorobha, zvakashandura upenyu hwavanhu.

Vamwe pavaiti zviri kuita kuti hunhu hurasike, vamwe vaiti zvakanaka kufambirana nenguva. Zvinhu zvitsva zvinonetsawo vazhnji nokuti vanenge vasina chokwadi nekwazvichavasvitsa, uyewo vamwe vanenge vasina ruzivo rwezvinhu zvacho. Muenzaniso inharembozha.

Vanhu vanofunga kuti basa radzo nderokutaudzana kana kushambadza mashoko chete. Havazivi kuti kana dzave nedandemutande reInternet, dzinogona kushandiswa muzvidzidzo.

Ndizvo zvatave kuona zvakare nhasi uno zvokuti kana kodzero chaidzo, vanadzo vana, nokuti vari kugadzirira kuve vakuru vamangwana.

Asi, munhaurwa dzose idzi ndakazvibvunza kuti tiri kuziva kwatiri kutungamidza vana here? Nhasi inharembozha, mangwana makondomu, kuswera mwangwana mapiritsi okudzivirira kubata pamuviri.

Ko, pakazosvika pakaipisisa panyaya dzechingochani, uyewo kuti murume nemurume, kana mukadzi nemukadzi varoorane nokuzotora vana vavamwe vachivaita vavo, panoitwa sei?

Ngatizive kuti zvose izvi hatina kumbofunga kuti zvichave nhaurwa pakati pedu nhasi!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey