Vana vakadzidziswa mabasa

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BAZI revechidiki, mitambo nekutandara nguva yadarika rakacherechedza zuva revechidiki, reDay of the African Child, pagungano rakaitwa kuChitungwiza apo vana vechikoro – kusanganisara vakaremara mitezo – vakadzidziswa zvakawanda zvinosanganisira mabasa avanogona kuzoita kana vapedza fundo.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kubatsirana muAfrica! Kodzero dzevana pamberi”.

Aive muyenzi mukuru pachiitiko ichi inhengo yedare reParamende revechidiki (Junior Parliament), Tamirira Gondo, anova Junior Mayor weChitungwiza ari zvakare mudzidzi wepaZengeza 1 High.

“Nhoroondo yezuva iri yakabva mugore ra1976 apo vana vekuSoweto, kuSouth Africa, vairwira kodzero dzavo kuti vasamanikidzwe kushandisa mutauro weAfrikaans nekuti vaida kufunda nemitauro yose yavanoda. Vari kumacha kudaro, ndipo pakauya mapurisa emabhunu ekuSouth Africa vachibva vauraya mazana nemazana evanhu. Izvi zvakaitika musi wa16 Chikumi, ndicho chikonzero sevechidiki tiri kupemberera zuva iri,” anodaro.

Gondo anoti zuva iri rakakosha mukurwira kodzero dzevechidiki.

“Kuziva kodzero bedzi hakuna shumo, asi vana vanofanirawo kuziva zvakakosha muupenyu hwavo. Semuenzaniso, kuzvibata nekushanda nesimba kuti vasimudzire upenyu hwavo munyaya dzedzidzo nemabasa,” anodaro.

Pagungano iri pakakokwa makambani nemasangano akasiyana kuti vazofundisa vechidiki nezvemabasa.

“Tine masangano akadai seFamily Support Trust, National AIDS Council, Young Africa Skills, Dreams, Zimbabwe Republic Police nevamwe avo vakakokwa kuti vazofundisa nezvekukosha kwezuva iri pamwe nekodzero dzedu. Vechidiki vazhinji vane mikana yekuita zvikukutu kana vachinge vawaniswa dzidzo yemabasa akasiyana,” anodaro.

Gondo anoti Chitungwiza ine vechidiki vakawanda avo vari kusangana nematambudziko anosanganisira ekuroorwa kana kuroora vasati vabva zera. “Nekuda kwezvitendero zvakasiyana uye machechi, vamwe vanasikana vari kuroorwa vasati vabva zera. Tinoda kuti vechidiki vawanikwe vachipinda muzvirongwa zvose zvine chekuita nebudiriro yavo nekuti ndizvo zvinosimudzira upfumi hwenyika,” anodaro.

Takunda Mutirwira, uyo anove nhengo yedare revechidiki reSenate kuChitungwiza, anoti Africa inoda kuchenurwa.

“Kana munhu akaudzwa nezvenyika yedu chaanotanga kufunga bedzi inhau yemadhaimondi negoridhe kana nzara neurombo. Tinoda kuchenura nyika yedu sevechidiki nekuita mabasa akanaka anoumba ramangwana redu rakajeka. Vamwe vechidiki vari kushungurudzwa nenzira dzepabonde, kurohwa, kutukwa, kushaiswa pekugara, kudya, kushaiswa dzidzo nezvimwe.

“Tinofara kuti Hurumende yakati imhosva kushaisa vana dzidzo nokudaro kusimbaradzwa kwemitemo kunopa chengetedzo kunesu vechidiki,” anodaro.

Memory Kanyati, uyo anova administrative officer weChitungwiza District kubazi rinoona nezvevechidiki, mitambo nekutandara anoti bazi ravo rine basa guru rekuona kuti zuva iri racherechedzwa sezvo vachishanda nevechidiki.

Vabereki vane vana vakaremara mitezo vari pasi pesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children nevanorarama nehusope veAlbino Charity Organisation of Zimbabwe vaivewo pagungano iri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>