Vana vakaratidza matarenda avo

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muhamed Komboni
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa pane imwe hotera iri maMutare svondo rapera apo vana vanorarama nehurema vakabva kuzvikoro zvakasiyana vaipemberera zuva revakaremera mitezo nekuratidza matarenda avo.

Vana ava vakabva kuzvikoro 14 zviri kumativi mana enyika uye vakawanawo mukana wekushanyira chikoro cheChengetai Special School icho chinopindwa nevana vakaremara mitezo chiri mumusha weChikanga, maMutare mekare.

Zvikoro izvi zvinosanganisira Simanyane, Mudavanhu, Ratidzo, Tinokwirira, Ruvimbo, Homefield, Rubatsiro, Sibantubanye, St Catherines, Sharon Cohen, Batsirai, Zambuko neSt Humphrey.
Mutambo uyu waiva nedingindira rinoti, “Hanya inotanga newe neni.”

VaNicholas Aribino vesangano reZimcare Trust vanoti donzvo remutambo uyu nderekukurudzira vabereki kuti vasachengete vana vakaremara mitezo vachivaviga mudzimba, asi kuti vavaendese kuzvikoro vanodzidziswa kunyora, kuverenga zvose nemabasa emaoko.

“Vana vedu ngavaende kuzvikoro zvangotekeshera nenyika yose kuti vakwanisewo kuzviitira mabasa emaoko,” vanodaro VaAribino.

Vana vakaratidzawo zvipo zvavo zvakadai sekuimba, kutamba mimhanzi nekuita madhirama.
Vakaratidzazve hunyanzvi hwavo kuburikidza nezvigadzirwa zvinosanganisira machira epamubhedha, epamasofa, mafuta ekuzora, mabhandi, mishonga yemuzvimbuzi nezvimwewo.

Sachigaro weZimcare Council, VaJulius Nenzou, vanokurudzira vabereki nenharaunda kuti vatambire vana vakaremara mitezo uye kuti vagare navo zvakanaka pasina zvekuvasarudza kana kuvabata nekuseri kwemaoko.

“Ndinoti kunharaunda tambirai vana ava nemwoyo wose, vana vedu uye ngatiregerei kuvasarura kana kuvanemera. Ngativachengetei zvakanaka, vane zvipo zvavainazvo,” vanodaro VaNenzou.

Vamwe vevana ava vanonzi vakakwanisa kuenda kunyika dzakaita seUnited State, China neIreland vachinoita mitambo yekumhanya, gorofu nezvimwewo vakakunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey