Vana vakaremara vovakirwa chikoro

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Vana vakaremara vovakirwa chikoro Vana vakaremara vaine vabereki vavo pakuparurwa kwenzvimbo ichavakirwa chikoro kuUnit K, kuChitungwiza nguva pfupi yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomiririra kodzero dzevabereki vane vana vakaremara mitezo, reZimbabwe Parent of Handicapped Children Association (ZPHCA) – nguva pfupi yadarika rakaparura nzvimbo ichavakirwa chikoro chevana vakadai kuUnit K, kuChitungwiza, nedonzvo rekusimudzira dzidzo yavo.

Vachitaura pagungano iri, Senator Rejoice Timire – avo vanomiririra vanhu vakaremera mudare reSenate – vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuti pange pachiumbwa gwaro rinoona nezvekodzero dzevanhu vakaremara (Disability Policy).

“Vanhu vakaremara vanodzikisirwa mune zvakawanda muupenyu, saka ndinovimba kuti chikoro chikavakwa chichaita kuti vabereki vane vana vakaremara vakwanise kuita mabasa akasiyana apo vana vanenge vari kuchikoro. Zvikoro zvevana vakaremara zvishoma chose.

“Tinorwadziwa zvikuru kuti tave nemakore mazhinji tisina gwaro rinoona nezvekodzero dzevakaremara munyika muno. Asi pane zviri kugadziriswa neHurumende zvekuti munguva pfupi inotevera tichange tave naro nokudaro zvichemo zvedu zvinenge zvava kunzwikwa,” vanodaro.

Mai Silindiwe Siziba Nyatsine – vanova sachigaro wesangano reZPHPA kuChitungwiza – vanoti chikoro ichi chichatanga kuvakwa gore rino.

“Chikoro ichi chichava ruyamuro rukuru kuvana vakaremara nekuderedza mitoro kuvabereki vavo sezvo vanenge vouya kuzovasiya pano vachichengetwa nekufundiswa apo vabereki vachiendawo kunoita mamwe mabasa anovapa chouviri.

“Chisati chavapo kudai, vabereki vazhinji vari kukundikana kuenda kumabasa nekuti vanenge vakangoita chiname nevana ava sezvo vachida kugara vaine munhu anovaona nekuvabatsira mune zvose,” vanodaro.

Murongi kuZPHPA, Mai Theresa Makwara, vanotenda kanzuru yeChitungwiza nekuvapa nzvimbo yekuvakira chikoro ichi pachena zvinova zvichabatsira mukuvandudza zvipo zvevana vakaremara.

Vanoti chikoro ichi chinogona kupindwa nevana vakaremara vanodarika makumi mashanu uye vachange vachifunda vakasangana nevamwe vasina kuremara mitezo senzira yekurwaisa nyaya dzerusarura.

Mai Elizabeth Chidi, avo vanova sachigaro weZPHCA vari zvakare mubereki ane mwana akaremara, vanoti pakutanga vaitofunga kuti pamwe vakaroyiwa apo vakasununguka mwana akaremara.

“Ini ndaitofunga kuti pane munhu akandiroya chete nekuti vamwe vana vandakazvara vakanga vasina kuremara kunze kwemumwe chete uyo ava nemakore 27 okuberekwa.

“Ndakazodzidza kuti kune vamwe vabereki vakawanda vane vana vakaremara apo ndakaenda kuHarare Hospital ndikaona kuti handisini ndoga mushure mekuwaniswa dzidziso yekuti mwana anogona kuzvarwa akaremara nekuda kwezvikonzero zvisiri zvekuroyiwa,” vanodaro.

Kuchitiwo Mai Loveness Matombo vanoti vakabereka mwanasikana akaremara mugore ra1982 asi akazoshaya mugore ra2006.

Vanoshora zvikuru vamwe vabereki vane katsika kekuviga vana vakaremara mudzimba nekutya kusekwa neavo vanovashandisa mumabasa ekupemha.

“Handiyo nzira yekutsvaga nayo mari, kushandisa mwana akaremara imhosva inotoendesa kujeri nekuti kumushungurudza ikoko. Kana munhu ada kupemha, anofanirwa kunyorerwa magwaro nesangano raanenge ari kana bazi reSocial Welfare kwete kushandisa vana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links