Uncategorized

Vana vakatsvira mumba

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Vana vakatsvira mumba Mai Lillian Mashumba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weRetreat uri kuWaterfalls, muHarare, ine kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemwana wayo, mumwe ndokukuvara apo imba yavo yakabatira moto ukaparadza zvaivemo.

Mai Theresa Dhonza (42) — avo vanova shirikadzi — vanoti havambofa vakakanganwa tsaona yekutsva kwakaita imba yavo umo maiva nevana vavo vaviri, mumwe wacho ndokuzonofira kuchipatara.

“Imba yedu yanga iri yemapuranga, saka yakabatira moto kuma 7 husiku nemusi wa7 Nyamavhuvhu apo ini ndainge ndaenda kutuckshop kunotenga zvinhu. Ndakarasikirwa nemwana uyewo mbatya dzedu dzose dzikatsva kusanganisira nematsamba ekuzvarwa nepasipoti yangu.

“Handina chandakasara nacho ini nemwana wangu,” vanodaro chiso chavo chizere nekusuwa.

Pakaitika tsaona iyi, mumba umu maiva nevana vaviri vanoti musikana wemakore gumi okuberekwa nemukomana aiva nemakore mana uyo akazoshaika.

“Nyaya inonetsa ndeyekuti pandakabuda mumba ndichienda kutuckshop, ndakasiya musina mwenje kana moto. Ndaitonotenga kenduru nemachisi nemupunga wekuti tibike. Tuckshop iyi inongova chinhambwe chemamita 50 kubva pamba asi ndakadzoka ndichiwana imba yose yaputirwa nemoto vana vachichema.”

Mai Dhonza vanoti sezvo hwaiva husiku, vakasiya vana ava varere mumagumbeze.

“Ndadzoka, ndakawana imba yose yaputirwa nemoto, mukuru wacho wemakore gumi achimhanya nekwandaibva nako achichema. Ndichimubvunza kuti moto waiva wabvepi, akati akangonzwa chinhu chakaputika sefire cracker chichirova pamusoro pemba izvo zvinoita kuti ndifunge kuti pane vavengi vakapotsera chinhu chakaputikira pamba pangu,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu paakangopedza kutaura, akabva afenda.

Mai Dhonza vanoti mwana wavo mudiki akanga asara ari mumba achishaya kwekubuda nako vakazomuwana achikambaira achibuda kunze kwemba yainganduma moto asi akange atsva zvakanyanya.

“Moto uyu une chishamiso kwandiri nekuti kwakaita mwedzi mitatu pamba pangu pachingobatira moto waingotanga woga tichitoshamisika kuti waibva kupi. Pekutanga, bindu rangu rakatsva, nzimbe nemuriwo zvikaparara nemoto usina kuonekwa kwawakabva.

“Pechipiri, pane zvigubhu zvandinonhonga ndichizotengesa izvo zvaiva mumabhero gumi ayo akangotanga kutsva akaparara. Saka handizive kuti ndoti moto wakapisa mwana wangu ndewemasaramusi here,” vanodaro. Mai Dhonza vanoti mwanakomana wavo uyu vakazomuendesa kuchipatara cheHarare Central Hospital uko akazofa nemaronda ehutsva.

“Uyu mumwe akatsva akarapwa uye ava nani. Hapana chakasara, zvinhu zvose zvakatsva zvekuti hatina chikafu, magumbeze kana mbatya. Tinongova vanhuwo izvozvi, tiri kurarama nekuchengetwa nevamwe vane tsiye nyoro mudzimba dzavo.”

Vanoti chishuwo chavo kuti kudai vabatsirwa vawana basa rekushanda kana kuvakirwa imwe imba kuti vakwanise kugara nemwana wavo akapona mutsaona iyi.

Vanoda kubatsira mudzimai uyu vanoridza nhare panhamba dzinoti 0775 994 718 kana 0771 367 665.

Zvichakadai, Mai Lillian Mashumba (50) naMai Cathrine Mandaza vamwe vevakatotanga kubatsira mhuri iyi.

Share This:

Sponsored Links