Vana vana, vasiyei vakure sevana

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KWAPERA makore 39 vana vomumusha weSoweto, kuSouth Africa, vakadya marasha vakati, “Pasi nemutauro wechiAfrikaans muzvikoro.”

Vakaratidzira zvakaenda mbiri pasi rose, vakazarura maziso avanhu pamusana poudzvanyiriri hwamabhunu.

Vamwe vavo vakafanana naHector Pietersen vakapfurwa namabhunu.

Vana vomuSouth Africa vakange vasingangoratidziri huipi hwoudzvanyiriri mudzidzo yamabhunu chete, asi kuti vaidawo dzidzo inovapa hunhu nechiremera, dzidzo yakange isingarambe yakavaisa mudenderedzwa ramabhunu nomutauro wavo wechiAfrikaans.

Vaida kubuda muchizarira ichocho.

Hudzvanyiriri hwakazoparadzwa namasangano anosanganisira African National Congress, sangano reAfrican Union rikaona zvakakodzera kuti musi wa16 June gore rega rega uve musi unorangarirwa zvishuwo nokupembedzwa kwekodzero dzavana.

Saka maSoweto Uprisings ndiwo akave hwaro hwokuti muAfrica yose zuva iri — zuva ravana veAfrica (Day of the African Child) —richerechedzwe.

Gore rino nyaya huru iri kutariswa nezvayo inyaya yokuroodzwa kwavanasikana vasati vabve zera, zviri zvinhu zvinotusva netsika namagariro, uyewo nezvimwe zvitendero zvisingaone chakaipa kuti mwanasikana wechidiki anoita amai pana baba vane zera nasekuru vake.

Kune dzimwe nyika havana basa nazvo nokuti vanongoona sokuti munhukadzi basa rake nderokuita amai vemba nokuzvara bedzi.

Tikaenda kutsika namagariro edu muno muZimbabwe, pana vanasikana vanonoripiswa ngozi.

Nhoroondo yetsika iyi ndeyokuti kana wanoripa ngozi unonopihwa murume wozvara kutsiva uya akapondwa.

Vamwe vanasikana vanopihwa vana babamukuru mushure mokunge madzikoma kana madzitete ashaya.

Vanenge vachinzi chimutsa mapfihwa.

Zvose izvi zvinhu zvakangonakira vanhurume, asi zvichikanganisa ugaro hwavanasikana.

Chinoshamisa ndechokuti, ivava vana baba vanobvuma kuroora vana vakadai, havazvioni zviine dambudziko.

Havaoni kuipa kwazvo kuti vanoita mukadzi mwana anenge ari zera ravana kana vazukuru vavo.

Kana kwave kumakereke akaita semapositori, twuvanasikana twunoroodzwa twuri pwere, dzimwe nguva pachitaurwa kuti “Mweya Mutsvene ndizvo zvawataura,” izvo kwete, ruchiva chete.

Ipapo mwana achienda pabarika pane mamwe madzimai gumi nefararira.

Vamwe vavo havatomboendi kuchikoro, kana kuti vanosiira chikoro panzira.

Kana zvadai zvinenge zvave kuti amai rave bofu, vana vanozvarwa mapofu uyewo baba ibofu pane zvamabhi-i.

Budiriro pakadai inoshaikwa nokuti vose anenge vari madzimati.

Chinorwadza ndechokuti kana mwana akawanikwa ari mwana kudai, haana masimba okuzvimiririra, uyewo vazhinji vavo vanonowanikwa navarume vane zvirwere zvakafanana nomukondombera.

Zvimwewo ndezvokuti vana vanodimburirwa kuti vakure savana nokuti vanenge vave vana amai vemba.

Pavanoita vana vavo ivo vanenge vari vanawo vanotoda kurairwa.

Ndokusaka sangano reAfrican Union namamwe vave kuti kana zvakambonzi, “Pasi neAfrikaans musi wa16 June 1976,” yave nguvawo yokuti, “Pasi nokuroodza vana vachiri vadiki.” Izvi zvakaitwa kubudikidza negwaro reAfrican Children’s Charter.

Gore rino kwave kucherechedzwa makore 25 mushure mokunge gwaro iri rapasiswa.

Dzimwe nyika dzichiri kutatarika panyaya iyi, asi muongororo yakaitwa nomunyori, Hurumende dzakawanda muAfrica namasangano akazvimiririra, vari kuona kuti vakaramba vakashinga vachirwisa nokupawo ruzivo kune vari kuzviita, zvinopera.

Dzidzo, kurapwa, ramangwana zvinhu zvinobata vechidiki, zvisinei kuti vari kurangarira 16 June 1976 here.

Nokudaro kana riri zuva ravana, ngavapihwe mikana yokutura nhuna dzavo.

Panhepfenyuro, mumapepanhau nomumabasa akasiyana-siyana, dai takaona musi wa16 June vechidiki vachibata mabasa, asi vakuru varipo kuvapa gwara.

Vana vakatora shungu dzavo mukuona mabatirwo avaitwa uye kabatirwo kaiitwa vabereki vavo.

Ngavadzidziswe hongu, asi ngavasiiwe vachiita zvinhu zvavo munzvimbo dzakasiyana-siyana musi wa16 June.

Potse potse ringazove zuva ravana, rinopemberwa nokutaurwa navakuru chete.

Share This:

Sponsored Links