Vana vanodhakwa vave kubatsirwa

08 Apr, 2021 - 16:04 0 Views
Vana vanodhakwa  vave kubatsirwa Chikwata chevekubazi rezveutano chichitaura nevamwe vabereki vane vana vanotora zvinodhaka kuGlen View, muHarare.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho ekubatsira vechidiki vane raramo iri kunganiswa nekutora zvinodhaka zvinosanganisira unonzi mutoriro, izvo zviri kuona vamwe vachiramba kudzokera kuchikoro kana kupata misha vachisiya vabereki vavo.

Izvi zvinotevera nyaya yakaburitswa neKwayedza svondo rapera yevamwe vana vechikoro vekuMbare nekuGlen View, muguta reHarare, avo vane vabereki vari kuchemachema vachiti vana vavo vaparadzwa raramo yavo nekutora zvinodhaka zvichivasiya vasisade kudzokera kuchikoro.

Kunze kwekuramba chikoro, vamwe vevana vakanganiswa nekutora zvinodhaka vanonzi vari kupata misha, havachaterera vabereki nevanhu vakuru uye vari kukoromora mhosva.

Vana ava vanonzi vakatanga kutora zvinodhaka zvichitevera kugara kwavakaita kumba kwenguva yakareba gore rapera negore rino apo zvikoro zvainge zvakavharwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vabereki vakakurukurwa navo neKwayedza vanosanganisira VaTito Nyamweda (43) vekuGlen View naMai Linah Savanhu (43) vekuMbare – vose vachiti vari kushungurudzika kuti munzvimbo dzavagere muri kutengeswa zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo izvo zvakanganisa upenyu hwevana vavo zvikuru.

Nemusi weChitatu svondo rino, dzimwe nyanzvi dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana dzakazoshanyira nzvimbo mbiri idzi nechinangwa chekuda kubatsira vechidiki vane dambudziko rekutora zvinodhaka ava.

VaBrighton Mufakwadziya, avo vanova nyanzvi kuchikamu chezveutano hwepfungwa cheMental Health, vakawana mukana wekutaura naVaNyamweda pamusoro pedambudziko iri.

“Tiripo kuunganidza mashoko azere nekuda kwedambudziko rasangana nemhuri idzi rekuti vana vave kutiza mudzimba vachitora zvinodhaka vachigumisira vave kuba. Tapedza kuunganidza mashoko aya, tichawana gwara rekuti vana ava vangabatsirwe sei,” vanodaro VaMufakwadziya.

Vamwe vaive pachikwata chenyanzvi dzeutano vakashanyira mhuri idzi vanosanganisira VaNemrod Nyakudyana vekuchikamu cheMonitoring and Evaluation for Child Care kubazi rezveutano, Sister Sarah Mungate vekuTariro Clinic avo vaimirira Southerton District nemapurisa ekuchikamu chematikitivha.

Pakashanya chikwata chenyanzvi ichi, vamwe vevana vanonzi vari kutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro vanoti Tinei Cuthbert Bushe (20) naNigel Savanhu (23) havana kuwanikwa musi uyu zvose naMai Savanhu.

Nyanzvi dzezveutano idzi dzakavimbisa kubatsira vechidiki ava padambudziko ravo rekutora zvinodhaka.

Zvichakadai, VaNyamweda vanoti kubvira pakabuda nyaya iyi muKwayedza svondo rapera, pane vamwe vanhu vari kuvavhundutsira vachiti vakafumurirei gure iri.

“Kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza, kune vanhu vari kuuya kwandinoshandira kuMbare vachindivhundutsira kuti kwandakaenda nenyaya iyi kuvakuru vemapurisa ndichiburitsa zviri kuitika vanozivana navo. Vamwe vanodarika vachishevedzera vari mudzimota vachiti upenyu hwangu hwava parumananzombe.

“Ini handikwanise kunyarara nekuda kwevanhu ava vari kuita mari vachitengesera vana vedu zvinodhaka izvo zvavakanganisa upenyu hwavo,” vanodaro VaNyamweda.

Vanoti vakasvitsa nyaya yekuvhundutsirwa kwavari kuitwa kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey