Vana vaponda amai vavo

04 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Vana vaponda amai vavo Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMt Darwin, kudunhu reMashonaland Central, ari kufeya nyaya yemudzimai aigara kwaDotito uyo anonzi akapondwa nevanakomana vake vaviri vachimupomera huroyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti mhosva iyi yakaparwa nemusi wa26 Kukadzi apo vanakomana vaviri – Aleck Chandoza (40) naEddison Chandoza (39), vemubhuku raMirisi – vakaenda husiku mumba maiva murere amai vavo, Midrone Manuwere (84) nehanzvadzi yavo, Tawanda Chandoza (36), ndokuvaponda vachivarova nedanda.

Sgt Major Chikasha vanoti Gogo Manuwere nenguva dza8 mangwanani musi uyu vakashanyira mwanasikana wavo, Tawanda wemubhuku raTsayi, mudunhu rimwechete iri, vachida kunomuona.

“Gogo Manuwere vanonzi nenguva dza2200 hours vakazoenda kunorara muimba yekubikira pamwe chete nemwanasikana wavo Tawanda,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

“Nguva dzekuma2300 hours, Tawanda Chandoza akanzwa mutsindo wekufamba kwevanhu panze, ndokunzwa hwindo remumba mavaiva varere richivhurwa achibva amuka ndokunorivhara nemukati. Panguva iyi Aleck Chandoza naEddison Chandoza vaiva vavhura hwindo iri vakazovhura dhoo nechisimba vachibva vapinda ndokuvheneka mukati nemwenje wetochi,” vanodaro.

Panguva iyi vanoti Tawanda akabva aziva hanzvadzi dzake mbiri idzi apo Aleck anonzi akabva amurova nedanda mumusoro, Gogo Manuwere ndokubvunza kuti vairovere chii hanzvadzi yavo.

“Aleck akabva apindura kuti munhu waaida ndivo amai vavo, kwete hanzvadzi yavo, achiti ndiwe watiri kuda vachipomera amai vavo. Pakarepo, Aleck akarova amai vake kaviri mumusoro nedanda nekamwe chete kuruoko rwerudyi.

“Nekutyira upenyu hwake, Tawanda akatiza mumba umu ndokunozvikiira muimba yekurara achishevedzera nekuridza mhere kuti ruzhinji rwuzovabatsira.”

Sgt Major Chikasha vanoti Aleck naEddison vakabva vatiza pamba apa, Tawanda ndokusara achizivisa veruzhinji.

“Ruzhinji rwemumusha uyu rwakazosara ruchimhanya kunoona, vachibva vawana mutumbi waGogo Manuwere urere muimba yekubikira uchibuda ropa nemumusoro.

“Vanhu vakaedza kubatsira amai ava ndokuzotsvaga motokari kumudzidzisi wepachikoro cheDate Primary avo vakazovaendesa kuchipatara cheKaranda Mission Hospital pamwe chete nemwanasikana wavo, uko machiremba vakasvikoti amai ava vainge vafa.

“Mutumbi wemufi waiva neronda guru rakadzika mumusoro, uyo Tawanda achiri kurapwa muchipatara ichi asi upenyu hwake hwakadzikama,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epaKaranda ndokuzotanga kufeewa nemapurisa ekwaDotito vakazobatsirana nematikitivha eCID ekuMt Darwin zvikaita kuti kusungwe Eddison nekuda kwenyaya yavari kupomerwa yekuponda nekuedza kuponda.

“Mutumbi waGogo Manuwere wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMt Darwin apo nyaya iri kufambira mberi nekuferefetwa uye mupari wemhosva wechipiri Aleck Chandoza achiri kutsvagwa nemapurisa. Tinokurudzira kune vanogona kuva neruzivo kuti vataurire chero mapurisa avaona.”

Share This:

Sponsored Links