Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakabatana nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) nemamwe mapoka mukucherechedza zuva rehuwandu hwevanhu pasi rose reWorld Population Day (belated) svondo rapera panguva iyo huwandu hwepwere dziri kumitiswa muZimbabwe hunonzi hwawedzera kusvika pachikamu che22 percent.
Panguva imwe cheteyo, pakabva paparurwa chirongwa chinodaidzwa kuti “Not – In – My Village” chakanangana nekurwisa nyaya dzekupihwa pamuviri kwevanasikana vasati vabva zera.
Mhemberero dzegore rino dzakaitirwa paNzvimbo High School, kuMazowe, kuMashonaland Central – rinova rimwe rematunhu anonzi ane huwandu hwepwere dziri kuitiswa pamuviri.
Kumitiswa kwevana kwakaonekwa kuchiunza matambudziko gumi nefararira muraramo yavo apo vanosiira chikoro panzira, kushungurudzwa uye vamwe vavo vanopedzisira vava kutora zvinodhaka.
Zuva reWorld Population Day (WPD) rinocherechedzwa gore rega rega musi wa11 Chikunguru nedonzvo rekunzvera huwandu hwevanhu uye nyaya dzebudiriro.
Gore rino, mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kushandiswa kwemasaisai nenzira yakaenzanirana kuvanhu vose.”
Vachitaura pamhemberero idzi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, vanoti panodiwa muono wemberi mukurwisa nyaya dzekumitiswa kwevana sezvo zviri kuunza matambudziko makuru akadai semhirizhonga, ndufu panguva yekubara uye kurasikirwa nedzidzo.
“Imhosva huru kushungurudza pwere, tinoda kuti vechidiki vakure vakafaranuka pasina anovashungurudza nenzira dzakadai. Kushungurudza vana nenzira yebonde kunodzorera budiriro yenyika kumashure nekuti ndivo vakabata remangwana.
“Zvirwere zvepabonde seHIV zvinowanda kana pwere dzichishungurudzwa nenzira iyi zvopa mitoro mikuru kuzvipatara,” vanodaro.
Dr Mombeshora vanoti kuburikidza nezvirongwa zvakaita seHealth Resilience Fund (HRF) izvo zvinotsigirwa neBritain, Ireland neEuropean Union uye chirongwa cheSafeguard Young People (SYP) chinotsigirwa neNetherlands neSwitzerland neche2Gether4SRHR chinotsigirwa neSweden, zvakanangana nekupedza kumitiswa kwevanasikana vasati vabva zera.
Mumiriri wesangano reUNFPA muZimbabwe, Mai Mirinda Tabifor, vanoti ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti huwandu hwevanasikana vari kupihwa pamuviri vasati vabva zera huri kuwanda.
“Chinhu chakakosha chakawanikwa muongororo ndechekuti chikamu che22 percent chevanasikana vasati vabva zera avo vanobvira pamakore pa10 ekuberekwa vakanyoresa pamuviri muzvipatara. Izvi zvinoreva kuti tine vechidiki vanosvika 358 458 vane nhumbu kubva pahuwandu hunofungidzirwa hwe1 706 946 hwakaongororwa munzvimbo 1 560 dzeutano pakati pegore ra2019 na2022,” vanodaro.
Vanoti zvakaonekwawo zvekare kuti huwandu hwevechidiki vari kuita pamuviri hwakakwira kubva pa9 percent muna2016 kuenda pa22 percent.
“Uhu umboo huri kuratidza kuti kunyuka kwechirwere cheCOVID-19 kune chekuita nekuwanda kwenyaya dzekumitiswa kwepwere munyika apo vana vakanga vakangogara kudzimba vasiri kuenda kuchikoro,” vanodaro Mai Tabifor.
Vanoti senzira yekurwisa dambudziko iri, Hurumende, ichitsigirwa neUNFPA yakaparura chirongwa che“Not-In-My-Village”.
Chirongwa ichi chichatungamirwa nevechidiki kuburikidza nesangano reYoung People’s Network on Sexual and Reproductive Health, HIV neAIDS vachishanda neNational AIDS Council.
Pamusoro pezvo, madzishe achabatsirawo mukufambiswa kwechirongwa ichi.
VaEdward Kallon, avo vanova murongi kuUnited Nations and Humanitarian, vanoti sangano ravo riri kushanda neHurumende mukurwisa matambudziko anosanganisira kumitiswa kwevana.
“Sangano reUnited Nations rakazvipira kushanda pamwe chete neHurumende yeZimbabwe mukugadzirisa nyaya yehuwandu hwevanhu uye tatova nezvirongwa zvakasiyana zvatiri kuita,” vanodaro.