Uncategorized

Vana vatatu vakabhinywa

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Vana vatatu vakabhinywa Inspector Margarate Chitove

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekudunhu reMashonaland West anoti ari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kubatwa chibharo nehama kana kuti nevamwe vavanogara navo vepedyo.

Izvi zvinotevera kubatwa kwakaitwa vana vatatu chibharo kudunhu iri munguva pfupi yadarika.
Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Magarate Chitove, vanoti kune mwana wemakore matatu okuberekwa anogara kuPatchway kuKadoma uyo anonzi akabatwa chibharo nemukomana aishanda mubindu pamba pavo.

“Nyaya iyi yakaitika apo mukomana aishanda mugarden aiva akagara mumba nemhuri yose yepamba apa. Mushandi uyu anonzi akashevedza mwana uyu mumba kunze kwasviba ndokunobata mwana uyu chibharo mumaruva inova nyaya yakazoonekwa nemukoma wemwana uyu ane makore gumi nemana. Mwana akabatwa uyu anonzi akabvunzwa akadura kuti ainge abhinywa nemushandi uyu,” vanodaro Insp Chitove.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuKadoma nemusi wa25 Kurume mushandi uyu achibva asungwa.

“Mukomana uyu akasungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekubata chibharo uye akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuzoendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti pane imwe nyaya yechibharo yakaitika mubhuku rekwaMarenga, kudunhu raMambo Mashayamombe, kuMhondoro uko kune murume anonzi akabata chibharo hanzvadzi yake yemakore gumi nematatu okuberekwa neshamwari yake yemakore gumi.

“Tine murume (zita rake tinaro) wemumusha waMarenga, kuMhondoro, ari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva yekubata chibharo hanzvadzi yake yemakore 13 okuberekwa uyewo neshamwari yake yemakore gumi.

“Vaviri ava vanonzi vakaenda kunotsvaga huni apo akavatevera ndokutsvinga hanzvadzi yake achibva aibata chibharo, shamwari yake yakatiza akazoitevera ndokunoibata zvakare chibharo kamwechete,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti nyaya iyi yakazobuda apo mumwe murume wemakore 36 okuberekwa wemumusha uyu akawanikwa achiratidza vana ava mifananidzo yevanhu vasina kupfeka zvinova zvakazoita kuti vabvunzwe kuti vaizvizivire kupi izvi, vakataura kuti vakabatwa chibharo nemurume uyu.

“Nyaya iyi yabuda, yakanomhan’arwa kumapurisa ekwaMubayira vakabva vatanga kuferefeta vachitsvaga murume uyu vakamushaya.

“Tinokumbira kune vanoziva kune murume uyu kuti vatibatsire kumutsvaga kana kuzivisa mapurisa epakamba iri padyo navo kuti aendeswe kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti mudunhu reMashonaland West vari kunetsekana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzechibharo.
“Mhosva dzechibharo dziri kuitwa nehama dzepadyo dziri kuwanda mudunhu redu. Tinokurudzira madzimai kuti vasasiye vanasikana vaine vanhurume nekuti mazuva ano hakuna murume anovimbika panyaya dzekubata chibharo. Vanababa vari kubata vana vavo chaivo chibharo nedzimwe hama dzepadyo, mhan’arai nyaya dzakadai nenguva,” vanodaro Insp Chitove.

Share This:

Sponsored Links