Uncategorized

Vana vechikoro vaba makombiyuta 20

21 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
Vana vechikoro vaba makombiyuta 20

Kwayedza

Ray Bande

VANA vatatu veForm Six vepaHartzell High School iri kwaMutare vanonzi vakapaza munodzidzirwa makombiyuta pachikoro pavo, ndokuba malaptop 20.

Mutauriri wechikamu chemapurisa chematikitivha cheCriminal Investigation Department (CID) kuManicaland, Detective Sergeant Shake Shanu vanotsinhira kusungwa kwaCourage Mapiye wekuHarare, Prosper Munyaradzi Simon wekuChikanga Phase Two kwaMutare naPrince Mupaza wekuWhitecliff muHarare.

Vatatu ava vose vane makore 19 ekuberekwa.

Vari kutarisirwa kupinda mudare munguva pfupi iri kutevera kana vapedza kunyora bvunzo dzavo.

Detective Sergeant Shanu vanoti nemusi wa4 Mbudzi, murindi wepaHartzell High School, VaKenneth Mabika, vakatanga basa ndokutenderera vachimema chikoro.

VaMabika vanonzi vakaona zvese zvakanaka, mahwindo akavharwa uye magonhi akakiyiwa.

“Kwakanga kusina magetsi apo VaMabika vakatanga basa. Pakadzoka magetsi, VaMabika vanoti vakatenderera vachitarisa zvakare ndokuona kuti gonhi repacomputer lab rakanga rakavhurika zvishoma.

“Vakaudza mudzidzisi weComputer Science, VaAgrippa Mungazi, vakauya ndokuona kuti malaptop 20 akanga abiwa. Pakaunganidzwa vadzidzi kuti vadaidzwe mazita avo nechinangwa chekuona kuti vaivapo vese here, ndipo pakaonekwa kuti vari kupomerwa mhosva ava vakanga vasipo. VaMabika vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP paPenhalonga,” vanodaro Detective Sergeant Shanu.

Matikitivha eCID Mutare vakaenda pachikoro ichi rechimangwana racho ndokutora midhindo yemaoko (finger prints).

Mapiye, Simon naMupaza vakabvunzurudzwa nematikitivha asi vakaramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

“Nemusi weSvondo, vari kupomerwa mhosva ava vakabvunzurudzwa zvakare vakabvuma kuti vakapaza dhoo repacomputer lab ndokuba malaptop 20.

“Vanoti vakatora malaptop aya ndokuenda nawo kuChikanga vakanoasiya akachengetwa naPaidashe Mukwada. Musi mumwe chete uyu, vatatu ava vakazotungamirira matikitivha kuenda kuChikanga uko vakawana malaptop ese aya ari 20 nehacksaw yakashandiswa zviina Mukwada,” vanodaro Detective Sergeant Shanu

Zvinhu zvese zvakabiwa zvinokosha US$5 500 uye zvakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links