Vana vechikoro vakarariswa muminda

09 May, 2022 - 14:05 0 Views
Vana vechikoro vakarariswa muminda Victoria High School

Kwayedza

Arron Nyamayaro

VANA vechikoro 32 vepaVictoria High School vanonzi vakamanikidzwa kurara muminda iri pedyo nechikoro ichi kwemazuva maviri senzira yekuvaranga kuenda kwavakaita kumakwikwi emidhudhudhu vasina kupihwa mvumo.

Makwikwi aya akaitwa mazuva maviri zvikoro zvisati zvavharwa temu yadarika.

Vadzidzi ava vakazorangwa nemusi weChipiri chadarika apo vanonzi vakarambidzwa kuti varare mumahositeri mushure mekunge vasina kuuya nevabereki vavo sezvavakange vaudzwa kuti vaite nechikoro ichi.

Vamwe vabereki vanonzi vave kuda kubvisa vana vavo pachikoro apa zvichitevera chiitiko ichi.

Mukuru wechikoro ichi, VaEngelbert Chimbwari, vanotsinhira kuti vakaranga vana ava nekuda kwemisikanzwa yavakaita.
“Hongu, tine vamwe vadzidzi vakaverera kubva pachikoro asi handibvumidzwe kutaura nevatori venhau,” vanodaro VaChimbwari.

VaEngelbert Chimbwari

“Nyaya iyi yakaendeswa kumahofisi edu epurovhinzi ezvedzidzo. Zvakanaka kuti muuye kuzonzwa chaizvo zvakaitika pano pachikoro,” vanodaro VaChimbwari.

Vabereki nevamwe vane vana vari pachikoro ichi, avo vari muWhatsApp group rimwe chete naVaChimbwari, vanoti vanogona kubvisa vana vavo kuti vasarambe vachidzidzapo nekuda kwezvakaitwa izvi.

Mumwe wevabereki ava anoti haana kufara nenzira yakashandiswa kuranga vana ava.

“Handirambe kuti vana vanoita misikanzwa asi marangirwo akazoitwa haana kunaka zvachose kana tichitarisa kuti nyaya iyi haina kuziviswa kunesu sevabereki.

“Mukuru wechikoro uyu tiri muWhatsApp group rimwe chete naye asi haana kumbobvira atiudza nezvenyaya iyi.

“Mwana wangu haana kundiudza zvakare kuti ane misikanzwa yaakaita,” anodaro mubereki uyu.

“Vanoita basa rekurinda pachikoro apa vaivepi pakabuda vana vakawanda pachikoro zvisina mvumo?”

Share This:

Sponsored Links