Vana vekumaruwa vobatsirwa dzidzo

23 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Vana vekumaruwa vobatsirwa dzidzo Exif_JPEG_420

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiririra vanasikana vekumaruwa pamwe nekumapurazi reFarm Community Educational Trust (FACET) rabatana nemamwe masangano anodarika makumi maviri mukusimudzira fundo yavo panguva iyo vadzidzi vari kukanganiswa nechirwere cheCovid-19.

Nekuda kwezvipingaidzo izvi, vamwe vana vakawanda vari kusvika pakusiira chikoro panzira.

Masangano aya akasangana svondo rapera muguta reHarare vachikurukura maringe nenhunha dzevanasikana pasi pechirongwa chaitsigirwa neGirls Education Advocacy in the Region (Gear Alliance).

Mamwe masangano ari kutsigira dzidzo yemwanasika anosanganisira Students and Youth Working on reproductive Health Action Team (SayWhat), Girls Activist Youth Organisation (GAYO) neNational Action for Quality Education in Zambia (NAQEZ).

Achitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, Respect Tsvanhu, anova murongi kuFACET anoti vakachivamba mushure mekuona kuti vanasikana vazhinji vekumaruwa nekumapurazi vari kusangana nematambudziko ayo ari kudzorera dzidzo yavo kumashure.

“Vana vanogara kumapurazi nekumaruwa kunova kwakasarira munyaya dzebudiriro vanokundikana kuwana dzidzo yakakwana kana zvichienzaniswa nevari kumadhorobha nekuti pane dzimwe nguva zvikoro zvacho zviri kure nekwavanogara, kushairwa mari yechikoro, kuitiswa mabasa epamusha sekurima, kufudza mombe nekushaiswa zvekushandisa panguva yekutevera zvinoita kuti vazhinji vavo varovhe kuchikoro vachirasikirwa nedzidzo,” anodaro Tsvanhu.

Anoenderera mberi achiti, “Zvikoro zvekumaruwa zvinoda kusimudzirwa munyaya dzezvivakwa uye zvekushandisa semakombiyuta. Tinoona kuti munguva yaitsviriridza chirwere cheCovid-19, vana vakawanda vekumapurazi nekumaruwa vakarasikirwa zvikuru nedzidzo nokuti vakanga vasina nharembozha, makombiyuta kana mari yekutenga data kuti vaite zvidzidzo pamasaisai.”

Mercy Mangwana Mubayiwa, uyo anova mutauriri kusangano reEducation Coalition of Zimbabwe anoti mushandirapamwe uyu uchabatsira mukuderedza nyaya dzekuroodzwa kwevana vachiri kuenda kuchikoro.

“Kune vana vakawanda vari kumaruwa avo vari kusiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari, saka vazhinji vavo vanopedzisira vogara nevarume ivo vasati vabva zera.

Kana vana vakawaniswa zvekushandisa zvakakwana, dzidzo yavo inofambira mberi zvakanaka vachitopasa zvinonwisa mvura,” anodaro.

Mubayiwa anoti vanasikana vekumaruwa zvakare vanoda kuwaniswa mashoko azere maringe nechirwere cheCovid-19 kuti chinobata vanhu nenzira ipi.

“Muzvikoro tinorwira kuti muve nemvura yakachena, utano hwemhando yepamusoro, dzidzo yakaenzana uye tinorwisa zvikuru nyaya dzekuroodzwa kwevana nekuti imhosva. Hurumende yakaisa mutemo wekuti kana vanasikana vachinge vaita pamuviri vanokwanisa kuendererera mberi nedzidzo asi tiri kuona mikana iyoyo iri mishoma sezvo vabereki vazhinji vachibva vangomira kubhadharira vana ivavo mari dzechikoro,” anodaro.

Dunhu reMazowe, iro riri kuitirwa mabhindauko aya ekusimudzira vanasikana nesangano reFACET, rakaonekwa riri pamberi pahuwandu hwevanasikana vari kuitiswa pamuviri vasati vabva zera.

Nzvimbo iyi inoitwa mabasa ezvicherwa zvinoisa vanasikana vazhinji panyatwa yekushungurudzwa nenzira yepabonde nemakorokoza.

FACET yakavambwa muna2020 uye inoshanda munzvimbo dzinoitwa mabasa ekurima richitsigira dzidzo yevanasikana zvinova zvinobatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zveSustanable Development Goals (SDG4), African Charter on Human Rights neSADC Protocol on Education.

Chirongwa cherudzi urwu chiri kuiitwa zvekare munyika dzinosanganisira Malawi neZambia kubvira mugore ra2022 kusvika 2024.

Share This:

Sponsored Links