Vana vekuyunivhesiti vokweretesa mari…$90 miriyoni yatovapo:Murwira

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vana vekuyunivhesiti vokweretesa mari…$90 miriyoni yatovapo:Murwira Professor Amon Murwira

Kwayedza

Joseph Madzimure

VADZIDZI vekumayunivhesiti nemakoreji edzidzo yepamusoro vave kukwanisa kukwereta mari yefizi kubva pa$90 miriyoni kutanga mwedzi uno uye imwe $10 miriyoni ichange ichiwedzerwa kuhomwe iyi munaKukadzi.

Zvikwereti izvi zvakange zvambomiswa makore adarika nekuda kwekuti vamwe vadzidzi vaisazodzosera zvikwereti zvavo asi chirongwa chitsva ichi chiri kuitwa nebhanga reCBZ chichitsigirwa neHurumende.

Hurumende ine tarisiro yekuti bhanga iri richatevera vadzidzi richiona kuti vanenge vakwereta mari vanobhadhara zvikwereti zvavo.

Avo vanenge vachida kukwereta mari iyi vanopihwa magwaro kumakoreji kana mayunivhesiti avo temu yechikoro (semester) isati yatanga.

Danho iri rinotevera nguva iyo Hurumende yakazivisa mayunivhesiti kuti ngaasabhadharise mari yefizi inodarika $5 000 pasemester kozoti mapolytechnic nezvikoro zvinodzidzisa maticha vakaziviswawo kuti vabhadharise mari iri pasi pe$1 300 pavadzidzi vezvitupa zvemaCertificate nemaDiploma.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vakazivisa nezvehurongwa hwemari yechikwereti yekubatsira vadzidzi iyi.

“Takadzosa chirongwa chezvikwereti zvekupa vadzidzi icho chakambenge chambomiswa,” vanodaro.

“Takachiwedzera mari kusvika ku$90 miriyoni kutaura kuno.

“Tinoda kuti patichasvika munaKukadzi homwe iyi ive yasvika $100 miriyoni iyo inenge ichienda kune vadzidzi vasingakwanise kubhadhara mari dzechikoro.

“Asi munongozviona kuti mari idzi dzakatochipa pane dzimwe dziri kubhadhariswa kusekondari chaiko,” vanodaro Prof Murwira.

Prof Murwira vanoti mari yechikwereti iyi ichange ichiwanikwa kumabhanga eCBZ ari kumativi ose eZimbabwe.

“Takaita musangano nevatungamiri veCBZ svondo rino pamusoro pehurongwa hwemari iyi,” vanodaro.

“Vave kupedzisa nhau yekuti mari yavo ichange yave kuwanikwa sei. Kana vangopedza chete, hurongwa hwacho hototanga”.

Prof Murwira vanoti mayunivhesiti nemakoreji ndiwo achazozivisa vadzidzi vavo kuti vachatora magwaro rinhi ekuti vanyorera mari iyi.

“Takaitawo musangano nevatungamiriri vemakoreji tikavazivisa kuti vataurirane neCBZ kuti vadzidzi vagokwanisa kuwaniswa mari yechikwereti iyi semester yekutanga isati yatanga,” vanodaro.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey