Vana vemuZimbabwe musavhunduke: WHO

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vana vemuZimbabwe musavhunduke: WHO Dr Gasasira

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza naConrad Mupesa
HAPANA chikonzero chekuti vanhu vemuZimbabwe vavhunduke zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachibatwa vaine hutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19, sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinodaro.

Asi zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiita hutsanana uye nekusaungana sezviri kukurudzirwa nenyanzvi dzezveutano.

WHO inotaura mashoko aya zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe avo vange vava 206 kusvika nemusi weChipiri chino.

Chirongwa chekuti vanhu vasangofamba-famba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi chiri kuenderera mberi padanho rechipiri (Level 2 lockdown), kunyangwe zvazvo mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vachiti Hurumende icharamba ichiongorora mamiriro ezvinhu uye ichitora matanho akafanira.

Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanoti kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine coronavirus zvinoreva kuti matanho ekurwisa kupararira kwechirwere ichi anofanirwa kusimbaradzwa.

“Hapana chikonzero chekuvhunduka. Asi zvatingakurudzire ndezvekuti panoda kusimbaradzwa matanho ekurwisa kupararira kwechirwe ichi uye kutevedzerwa neveruzhinji kwenzira dzekuchidzivira sezvinokurudzirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana nemapoka arinoshanda nawo,” vanodaro. Dr Gasasira vanoti zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine coronavirus, WHO ine idi rekuti Hurumende iri kuronda vanhu vose vakasangana neavo vanenge vabatwa vaine Covid-19 nekumbovachengeta kunzvimbo dzavo voga.

Vanhu vemuZimbabwe vanokurudzirwa kuti vakoshese kutevedzera matanho ose ari kutorwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, kwete sezvimwe zviri kuitika kune mamwe marukisheni anogara veruzhinji uko vanhu vakawanda vari kuonekwa vachifamba-famba vasina kupfeka mamasiki.

“Munhu wose anofanirwa kuita hutsanana hwemhando yepamusoro, musaungane, pfekai mamasiki pose pamunofamba paruzhinji, chengetedzai mamasiki acho zvakanaka uye kana marwara dzimwe hama dzenyu, onai kuti maongororwa nenguva. Izvi ndizvo zvinofanirwa kuitwa uye zvatinokurudzira zvikuru,” vanodaro.

Vanhu vane hama dziri kubva kunze kwenyika vanofanirwawo kudzikurudzira kuti dziende kunovhenekwa coronavirus uye kuti dzimbogara dzakachengetwa kwemazuva 21 dzichiongororwa.

Zvichakadai, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Zimbabwe icharamba iri padanho reLevel 2 lockdown kusvikira President Mnangagwa vazozivisa zvitsva pamusoro pemamiriro ezvinhu.

“Kuziviswa kwezvitsva pamusoro pelockdown zvinoitwa naPresident Mnangagwa uye vachadaro apo vachataura kunyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links