Vana veSharon Cohen vafadzwa

08 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Vana veSharon Cohen vafadzwa Mukuru wechikoro Baleka Kunyeda (kurudyi) vachiyeva Chipo Mahamba achitambidza vana zvitupa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKORO chevana vakaremara, vanosanganisira hurema hwemuuropi uye hwepanyama, cheSharon Cohen Special School chiri kuChitungwiza, chakawaniswa nyevenutso neMuvhuro uno apo rimwe sangano rakavaitira mabiko ekugadzirira Kirisimasi uye kuvapa zvitupa kune vakabudirira mudzidzo yavo.

Mibairo iyi, iyo yaitsigirwa nesangano reVana Vedu Trust iro rinoshandira munharaunda iyi, yakapihwa mumipanda inosanganisira kuve mudzidzi akatsvinda, kuva mudzidzi ari kusanduka pamaitiro ake nenzira inofadza, uye kuve mudzidzi ane tsika nehunhu.

Sangano reVana Vedu Trust, iro rinotungamirirwa naMai Chipo Mahamba, ndiro rapaka rutsigiro rwezvekudya uye zvitupa.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Baleka Kunyeda, vanotenda rutsigiro urwu.

“Kuchine nyaya dzerusarura dzakawanda kuvana vakaremara apo vanosemwa, kubatwa chibharo uye kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana. Vana vatinavo pano vazhinji vakaremara zvakapetwa kaviri. Zvichireva kuti mwana anogona kunge aine njere dzisingashandi zvakanyanya, akaremara zvekare muviri wake uye vamwe havatokwanisi kutaura. Vana ava vanoda rudo rwakakwana pano pachikoro, kumba kwavanogara uye kunharaunda dzedu, saka zvinotoda dzidziso yakasimba kuti vanhu vasvike pakuvanzwisisa nekuzovagamuchira,” vanodaro.

Mai Kunyeda vanoti chikoro ichi chakavambwa mugore ra1980 nemumwe muzvinabhizimusi ainzi Victor Cohen chikazarurwa zviri pamutemo muna1996.

Victor anonzi akavhura chikoro ichi muChitungwiza mushure mekunge abara mwana musikana wake, Sharon, ainge aine chirwere chepfungwa nokudaro akaona zvakakodzera kuti pave nechikoro chinobatsira vana vane dambudziko iri.

“Zvisinei, Victor akazoshaya mutsaona yemumugwagwa muna1980. Chikoro chedu chinoshanda chiri pasi peZimCare Trust Group uye chine varairidzi vakavandudza dzidzo yavo kuti vakwanise kushanda nevana vakaremara (special needs teachers.

“Tine zvekare nhengo dzeSocial Welfare dzinoshanda pano vachitarisa kuchengetedzwa kwevana pachikoro nekudzimba kwavanobva. Vana vedu vanotakurwa pano pachikoro nebhazi vachidzorerwa kumba.

“Tine vana vane downsydrome neautism, pakati pezvimwe nokudaro tinoda rutsigiro rwakasimba,” vanodaro.

Vana vachiratidza zvitupa zvavo

Mai Kunyeda vanoenderera mberi vachiti: “Vana vedu vanoita zvidzidzo zvemibato yemawoko nekuti donzvo redu nderekuvasimudzira kuti vasava vanhu vanomirira kuitirwa zvose. Tine mabhindauko ekuchengeta huku, mbudzi, kusona, kubheka, kubika nezvimwe.

“Vakawanda vava kutozvigona uye ndivo vamwe vatiri kupa mibairo nhasi. Tariro Mutyambizi ndiye mumwe wevana awana mibairo miviri inoti wekuchena newekuita mabhindauko emawoko. Vakawanda vadzidzi vane zvipo saka tinoti vabereki unzai vana kuchikoro, musavavige mudzimba,” vanodaro.

Mai Mahamba vanoti vane rudo rwakanyanya nevana nokudaro vacharamba vachivatsigira.

“Pazuva ranhasi, taona vana vachifara zvikuru tichivagashidza zvitupa zvavo. Nguva yakadai vanoida nekuti zvinoratidza kuti nharaunda inovacherechedza uye zvinobatsira mukubvisa mweya werusarura.

“Vana vakaremara vane kodzero dzakangofanana nevasina nokudaro vanoda rudo, kudya, kupfeka, dzidzo, pekugara pakanaka nezvimwe zvakavanakira muraramo yavo. Ibasa renharaunda kuti itsigire vana ava vakwanise kuzadzikisa zvishuviro zvavo,” vanodaro.

Mumwe wevadzidzi ava, Tariro Mutyambizi (22), anoti anofara nekuwaniswa zvitupa zviviri.

“Ndawana zvitupa zvangu zviviri, chekugara ndakatsvinda nechekuita mibato yemawoko. Pano pachikoro ndinochengeta huku, mbudzi, tsuro nekutengesa zvirimwa zvinoita kuti kana ndichinge ndazopedza chikoro ndinenge ndava kuzviitira bhizimusi rangu rinondipa mari inoita kuti ndikwanise kubatsirana nevabereki vangu mukuriritira mhuri,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links