‘Vana vodzidza vakaguta’

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Vana vodzidza vakaguta’ Chirongwa chekupa vana vechikoro chikafu chakanangana nekuti varambe vachienda kunodzidza uye vachiwana kudya kunovaka muviri.

Kwayedza

Nqobile Tshili ari kuBULAWAYO

HURUMENDE iri kuvandudza chirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro kuti chisvike kuvana vekusekondari senzira yekuti varambe vachienda kuchikoro kudzimara vapedza fundo yavo.

Chirongwa chekupa vana vechikoro chikafu chakanangana nekuti varambe vachienda kuchikoro uye vawane kudya kunovaka miviri.

Hurumende yakavamba chirongwa ichi muna2016, ichitanga nevana vekupuraimari vemagwaro ari pasi ndokuzochisvitsa kune veGiredhi 7.

Kuuya kwechirongwa ichi kunofambirana nehurongwa hweAfrican Union (AU) hwakanangana nekuti vana vapihwe chikafu muzvikoro senzira yekuvandudza dzidzo.

Pakaitwa musangano we26th AU Summit munaNdira 2016, vatungamiriri venyika dziri muAU vakawirirana kuita chirongwa ichi chive cheAfrica yose nekuda kwekuti chinoita kuti vana varambe vachienda kuchikoro sezvo vanenge vachidzidza vakaguta.

Izvi zvakaita kuti musi wa1 Kurume gore roga-roga utarwe sezuva reAfrica Day for School Feeding.

Dunhu reBulawayo svondo rapera rakapemberera makore mana kubva chirongwa ichi chaparurwa neHurumende. Mhemberero idzi dzakaitwa pachikoro cheJosiah Chinamano Primary School iri kuEmakhandeni apo pakaitwa mitambo yakasiyana vana vechikoro vachiratidzira kuipa kwekuti vadzidze vaine nzara izvo zvinokonzera, pakati pezvimwe, kurara muchikoro nekutadza kuterera pavanodzidziswa.

Vachitaura nevabereki, vadzidzisi nevana vechikoro pamhemberero idzi, vakafanobata chigaro chaProvincial Education Director (PED) wedunhu reBulawayo, Mai Ollicah Kaira, vanoti pane matanho ari kutorwa kuti chirongwa ichi chisvike kusekondari.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda nesimba kusvika padanho rechitatu kuti vana vekusekondari vabatsirikanewo pasi pechirongwa ichi.

“Chirongwa ichi chakaunzwa neHurumende senzira yekuti vana vakawanda vaende kuchikoro uye nekupedza chikoro vakati wandei. Chinoita kuti vana vapase uye kuti vagare vaine utano hwakanaka,” vanodaro Mai Kaira.

Hurumende iri kubatsira muchirongwa ichi kuburikidza nekupa chibage chinozogaiwa kuita hupfu, vabereki vachipawo muriwo wekuti vana vazodyisa nesadza racho.

Vabereki ndivo vanobikira vana kuitira kuti chirongwa ichi chifambe nemazvo.

PaJosiah Chinamano Primary School, vana vari kupihwa bota, mahewu pamwechete nesadza nebhinzi, nemiriwo kana nenyama.

Share This:

Sponsored Links