Vana vodzidza vakaguta

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Vana vodzidza vakaguta First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Tendai Rupapa

CHIRONGWA chekubatsira vana vane vabereki vanoshaya pamwe chete nenherera nechikafu chinovaka muviri chichaparurwa munguva pfupi inotevera kumativi ose enyika uye izvi zviri kuuya apo vakawanda vavo vanonzi vari kuenda kuchikoro nenzara.

Kusanaya zvakanaka kwemvura mwaka yadarika kwaita kuti dambudziko iri rikure sezvo mhuri dzakawanda dzisina chibage chekudya.

Mwaka uno hausi kuratidzika zvakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka izvo zvaona zvirimwa zvakaita sechibage zvichisvava kana kuoma kumamwe matunhu.

Mamiriro ezvinhu aya ndiwo akatuma mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vane chido chekubatsira vanotambura – kuti vaite musangano nemapoka akasiyana svondo rapera nechinangwa chekuvandudza chirongwa chekupihwa kwevana chikafu muzvikoro.

“Sezvamunoziva, mwaka wekurima uno hauna kutanga zvakanaka, nekudaro nyika yedu yakatarisana nemutoro wechikafu uye zvekudya zvinopa utano. Apo ndiri kushanyira nzvimbo dzakasiyana, ndiri kukurukura nanaamai pamusoro pemabhindauko anounza budiriro, zvikuru chikafu chinovaka muviri icho vanogadzirira mhuri dzavo,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanoti vanoshushikana zvikuru nenyaya yekuti vana vakawanda, kunyanya vekumaruwa, vari kufamba nzendo refu kuenda kuchikoro vasina chavadya izvo zvinokanganisa fundo yavo.

Vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende yakatanga chirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro, pane mukana wekuti makambani akazvimiririra nemamwe mapoka abatsire sezvo riri basa remunhu wose kuyamura vana vanotambura.

“Chikonzero chaita kuti ndikushevedzei pano ndechekuti muzive zvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo mukufambiswa kwechirongwa chekupihwa kwevana chikafu chinovaka muviri kuitira kuti mumwe nemumwe wedu aone paanokwanisa kubatsira napo,” vanodaro. Amai Mnangagwa avo vakavamba sangano rinobatsira vanotambura reAngel of Hope Foundation – vanoti vane chido chekusimudzira kudyiwa kwechikafu chechinyakare icho chinovaka muviri.

Kuburikidza nesangano ravo, Amai Mnangagwa gore rapera vakatanga chirongwa chekupa vana zvekudya zvinovaka muviri sebota.

Nguva pfupi yadarika, vakavambawo chirongwa cheZunde Ramambokadzi icho chinoitwa nemadzimai emadzimambo nechinangwa chekuti vana vanotambura vawane chikafu chinovaka muviri kumatunhu ose enyika.

Gungano iri rakapindwa nevanhu vemapoka anosanganisira vakuru-vakuru vemuHurumende, vakuru vemakambani, vatungamiriri venharaunda, vakuru vemachechi uye nevanhukadzi nevechidiki vari mune zvemabhizimisi.

Mai Vaida Mashangwa – avo vaive vakamirira bazi rinoona nezvevanhukadzi, nharaunda nemabhizimisi madiki neari pakati nepakati — vanoti chirongwa chakasimba chekupihwa kwevana chikafu chinovaka muviri ndihwo hwaro hwekuzove nevanhukadzi vanozobatsira mubudiro yenyika mune remangwana.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Wadzanayi Nyanungo vekubazi redzidzo yepuraimari nesekondari avo vanorumbidza Amai Mnangagwa nekutanga zvirongwa zvinopedza nzara, hurombo uye zvichisimudzira mushandirapamwe.

Mamwe emakambani akatsidza kuti achabatsira muchirongwa chekupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nezvimwe zvakasiyana anosanganisira Spar Zimbabwe iyo yakati ichacheresa zvibhorani mune zvimwe zvikoro.

Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe nemamwe makambani vakapa chibage nemaheu.

Pepsi Zimbabwe, Dendairy, Cains neNational Foods mamwe emakambani akavimbisa kubatsira muchirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links